South Africa yazivisa neChipiri kuti iri kuwedzera nemakore matatu mvumo yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi zvishande pamwe nekugara munyika iyi zviri pamutemo.
Izvi zviri kuitwa pasi pechirongwa che 2014 Zimbabwean Dispensation Special Permit.
Chirongwa ichi chakatanga kuparurwa nehurumende yaVaJacob Zuma mukupera kwa 2009, uye change chichipera muna Zvita gore rino.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mazana maviri nemakumi mana ezviuru zvakapihwa magwaro aya.
Vachitaura nevatori venhau mushure mekuita musangano nemasangano anomirira zvizvarwa zveZimbabwe munyika iyi, gurukota rinoona nezvemukati meSouth Africa, VaMalusi Gigaba, vati havasi kuzopa mukana zvizvarwa zveZimbabwe zvisina kumbenge zvaforera mapepa aya kare.
Vatiwo vachapihwa magaro aya ndevaye vane mapasipoti ari kushanda, vane magwaro anoratidza kuti vari kushanda, uye vasina mhosva dzavakapara.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri muSouth Africa zvinonzi hazvina kuforera mapepa zvichitya kusungwa nekuti zvizhinji zvacho zvainge zvagara munyika iyi kwenguva yakareba zvisina magwaro ekushanda kana kugara.
VaGigaba vatiwo panopera makore matatu, zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvotarisirwa kudzokera kuZimbabwe. Mamwe masangano anomirira zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa anosanginisira reZimbabwe Community in South Africa nere People Against Suffering and Oppression, kana kuti PASSOP, anoti atambira danho iri nemufaro.
Mashoko aya afadzawo mutauriri wesangano reZimbabwe Migrants Association, VaDaniel Muzenda, avo vanoti vanovimba kuti South Africa ichapawo mukana vamwe vasina kunge vaforera mapepa.