Accessibility links

Breaking News

South Africa Yombomirazve Kutaura nezveNyaya yeMapepa ekuShanda eZvizvarwa zveZimbabwe


ZIMBABWE Pictures - President Zuma and Mugabe
ZIMBABWE Pictures - President Zuma and Mugabe
Hurumende yeSouth Africa neChipiri haina kuzotaura nezvekuti ichatora danho ripi panyaya yemagwaro ekushanda ezvizvarwa zveZimbabwe ayo akanzi nedare remakurukota achasvika kwamvura yacheka makumbo muna Mbudzi.

Izvi zvikaitika zvizvarwa zveZimbabwe zvinonzi zvinofanira kudzokera kumusha kana zvichida magwaro matsva ekushanda.

Gurukota rinoona nezvemukati meSouth Africa, Amai Naledi Pandor, ndivo vange vachifanira kutaura nevatori venhau muPretoria neChipiri kuti vazivise kuti chirongwa ichi chichafamba sei.

Asi vakuru muhurumende yeSouth Africa vanoti vachiri kuzeya nyaya iyi muhofisi mavo. Asi gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, vachitaura nebepanhau reChronicle vanoti havana kunge vasumwa neSouth Africa nezvedanho idzva iri.

Asi VaMohadi vati vakagadzirira kugara pasi nehurumende yeSouth Africa kuti vaone kuti vogadzirisa sei nyaya iyi.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Migrants Association, VaDaniel Muzenda vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunetsekana nekusajeka kwakaita zvinhu.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG