Accessibility links

Breaking News

Sangano reMagweta reZLHR Rodzidzisa Vanhu Kunzwisisa Bumbiro reMitemo

Sangano reZLHR rinorwira kodzero dzevanhu
Sangano reZLHR rinorwira kodzero dzevanhu

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR, raparura hurongwa hwekupinda muvanhu richitsanangura nezvebumbiro remitemo yenyika.

Sangano iri raparura hurongwa uhu muChitungwiza neBulawayo. Pahurongwa uhu, sangano iri ranga richipawo vagari magwaro ebumbiro idzva iri akarerutswa mururimi rweShona, Ndebele neChirungu.

Mumusha weChitungwiza, sangano iri ranga rakabatana nesangano rinomirira vagari vemuguta iri, reChitungwiza Residents Trust.

Mutauriri wesangano ZLHR, VaKumbirai Mafunda, vanoti misoro yenyaya yanga yakanangana nemisangano iyi iri mukodzero dzevanhu panyaya dzemvura, hutano, dzidzo, pekugara pamwe nekodzero sezvizvarwa mune zvakasiyanasiyana.

VaMafunda vanoti chirongwa ichi chichapindawo mumatunhu ose emunyika mushure mekuona chidokwadokwa charatidzwa nevagari vekuChitungwiza chekuda kunzwa zvizhinji pamusoro pebumbiro ravo remitemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG