Accessibility links

Breaking News

ZimRights Inobatsira Mhuri Dzakawirwa neMafashamu kuTsholotsho

Misha yakawanda yakaparadzwa nemafashamu mudunhu reButabubili kuTsholotsho
Misha yakawanda yakaparadzwa nemafashamu mudunhu reButabubili kuTsholotsho

Mhuri dzinosvika makumi mashanu nesere dzakawirwa nedambudziko remafashamu kudunhu reTsholotsho kuMatabeleland North neMuvhuro dzakapiwa rubatsiro rwakaunganidzwa nesangano reZimbabwe Human Rights Association, ZimRights.

Mukuru weZimRights, VaOkay Machisa, vanoti sangano ravo, richishanda nemasangano anoti Crisis in Zimbabwe Coalition, Heal Zimbabwe Trust, Batanai HIV/Aids Organisation, BHASO yekuMasvingo, pamwe neWomen’s Coalition, vakakwanisa kuunganidza zvipfeko, sipo nezvinodiwa nemadzimai panguva yavo, nezvimwe zvakadaro.

Zvinhu izvi zvakaunganidzwa kuburikidza nemitambo yeSoap and Shirt Winter Festival yakaitwa muna Chikumi muHarare nesangano iri.

Zvinhu izvi zvakasvitswa kumhuri idzi kuburikidza neboka remapurisa rinodzivira njodzi reCivil Protection Unit rekutsholotsho.

Sangano reZimRights rakatobatsira kare mhuri dzakawirwa nedambudziko rimwero kuTokwe-Mukosi, kuMasvingo.

Sangano iri rinotiwo rine hurongwa hwekubatsira dzimwe mhuri dziri kuMuzarabani, kuMashonaland Central.

VaMachisa vanoti mhuri dzekuTsolotsho idzi dzinodawo zvakare kubatsirwa nechikafu pamwe nezvekurimisa kuitira kuti dzikwanise kusvika mumwaka wekukohwa wegore rinouya.

Hurukuro naVaOkay Machisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG