Accessibility links

Breaking News

Nyakuponda Vamwe Vake neDemo muZanu-PF Anonzi Azviuraya kuChitungwiza


Zanu PF Youths
Zanu PF Youths

Imwe nhengo yeZanu-PF yange ichipomerwa mhosva yekuponda vamwe vayo vaviri mubato iri neMugovera yakaonekwa yakafa neMuvhuro mutirongo repa St Marys kuChitungwiza.

VaProud Mupambwa, avo vane makore makumi matatu ekuberekwa, vanonzi vakatema nedemo vamwe vavo nhengo dzebato iri, Va Lloyd Jambawu naVaMarko Masenda.

Va Jambawu vave nemakore makumi matatu nerimwe ekuberekwa, ukuwo VaMasenda vaine makore makumi matatu nemanomwe ekuberekwa.

Imwe nhengo yeZanu-PF, VaElphas Chawira, vanonzi vakapona nepasaka reshumba sezvo vakaita chitsoka ndibereke vachitiza.

Mumashoko avo kuvatori venhau, mapurisa anoti VaMupambwa vakawanikwa vakafa nemusi weMuvhuro nenguva dza 6 mangwanani.

VaMupambwa vanonzi vaimbenge vaendeswa kuchipatara chekuChitungwiza vachinzi vainge vasinganzwe zvakanaka.

Mapurisa anoti akaudza mudzimai wavo kuti vainge vasisade zvekurarama uye vakaudzawo mapurisa kuti vanofungidzira kuti vainge varoyiwa nehama dzavo.

Mutumbi waVaMupambwa unonzi uri kuvhenekwa naana chiremba kuChitungwiza Hospital kuti paonekwe kuti chii chakapa kuti vashaye.

Pane mashoko ekuti VaMupambwa nevamwe vavo vainge vanetsana nenyaya dzezvematongerwo enyika.

Mubato reZanu-PF mune kunetsana kwakanyanya izvo zvava kukonzera kuti vanhu vakandirane makobvu nematete uye kurovana mumatunhu akawanda.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe divi rebato ravo.

Asi gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaIgnatious Chombo, avo vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF, vanoti mapurisa ari kuongorora nyaya iyi.

Sangano rinoongorora nyaya dzezvemhirizhonga munyika, reZimbabwe Peace Project, raburitsa mashoko ekushora vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika nekuramba vakanyarara kunyange hazvo mhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika yawedzera zvakanyanya mumasvondo mashoma apfuura.

Mukuru werimwe sangano rinoona nezvekukurudzira runyararo, re Heal Zimbabwe, VaRashid Mahiya, vanoti mapurisa ndiwo ari kukonzera kusagadzikana nenyaya yekusunga vanhu vachitarisa kuti wabuda mumba maani.

Nyaya ina Rashid Mahiya
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG