Vanhu vakawanda vanoti kutengeswa kwezvinhu mumigwagwa zvisina kurongeka dziko kuri kukonzera dambudziko remarara muguta reHarare nemamwe maguta.
Vanhu ava vanotiwo izvi zviri kukonzerawo zvirwere sezvo marara ari kungorasirwa pose pose.
Mashoko everuzhinji aya anotevera mashoko anonzi akataurwa negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgatius Chombo, ekuti vanhu vari kutengesera mumigwagwa vanofanirwa kubviswa nekukasika.
Asi veruzhinji vanoti hurumende yaVaChombo ndiyo honzeri sezvo iri kukundikana kuwanisa vanhu mabasa uye yakaregerera vanhu ava vachiita pamadiro kubva kare.
Vachitaura mukupera kwesvondo pamusangano wepagore wemameya pamwe nemasachigaro emakanzuru wechimakumi manomwe nenhatu (73rd Urban Councils Association of Zimbabwe), wakaitirwa kuBulawayo, VaChombo vanonzi vakati panofanirwa kutorwa matanho nechimbichimbi ekuti vanotengesera mumigwagwa vange vachibviswa sezvo vari kukanganisa nyaya dzehutano uye nzvimbo dzinogara vanhu.
Studio7 yakundikana kubata VaChombo panyaya iyi.
Asi meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, avo vakapindawo musangano uyu, vabvuma kuti ichokwadi kuti VaChombo vakataura mashoko aya.
VaManyenyeni vanoti dzimwe nguva mabatirwo anoitwa zvitengeswa zvinosanganisira zvekudya, anotyora mitemo yekutengeswa kwezvekudya.
Vanoti dzimwe nguva vanotengesa zvinhu ava vanotiza mapurisa vachipedzisira voviga zvinhu zvavo zvinosanganisira zvekudya munzvimbo dzisina kukodzera dzakaita semumigero inorasa mvura.