Accessibility links

Breaking News

Vashandi Voramba Vachishushikana neMutongo weKudzingwa Basa


Zimbabwe Congress of Trade Unions ZCTU
Zimbabwe Congress of Trade Unions ZCTU

Masangano evashandi ari kuramba achiratidza kusafara kwawo nemutongo wakapa masimba vashandirwi kuti vadzinge vashandi vavo kana vangovapa zviziviso zvemwedzi mitatu chete.

Rimwe sangano revashandi, reCongress of Zimbabwe Trade Unions, COZITU, rasvitsa magwaro enyunyuto mazana matatu nemakumi mashanu kunhengo dzeparamende.

Ukuwo Zimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, yakazivisawo kuti ichapinda mumigwagwa mumaguta mashanu makuru emunyika nemusi weMugovera senzira yekuratidza kusafara nezviri kuitika uye kuti hurumende ikasike kutora matanho.

Nekune rimwe divi, bato reZanu PF rakazivisa kuti hurumende yave kutora matanho ekugadzirisa dambudziko iri kunyange hazvo ichinzi yakaudza makambani ari pasi payo kuti agumure vamwe vashandi.

Vachitaura parutivi pemusangano wePolitiburo yebato ravo reZanu PF nemusi weChitatu, mutauriri webato iri, VaSimon Khaya-Moyo, vakati dare remakurukota rakatambira kurudziro yekuti mutemo wezvemabasa uyu uvandudzwe senzira yekudzivirira vashandi nevashandirwi pamwe chete.

VaMoyo vakati bato ravo rinotarisira kuti mutemo uyu uchavandudzwa nekukasika kuitira kudzivirira vashandi avo vari kuoneswa chitsvuku nevashandirwi kubva pakaturwa mutongo nedare reSupreme Court mwedzi wapera.

Asi mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti hurumende yeZanu PF ndiyo yakonzeresa matambudziko ose aya nekuda kwekutadza kutonga kwayo.

VaGutu vanoti kuti mutemo uyu uvandudzwe unofanirwa kuzopinda mudare reparamende, danho ravanoti rinogona kutora nguva yakareba, panguva iyo vashandi vanenge vachiramba vachidzingwa mabasa.

Vamwewo vanoti bato reMDC rakaumbwa kubva muvashandi, asi hapana zvikuru zvarati raita kuratidzawo kuti riri kumira nevashandi pakuchema kwavo.

Asi VaGutu vanodzivirira bato ravo vachiti riri kuita zvakwanda kuedza kumanikidza shanduko yemutemo uyu, zvinosanganisira kusimudza nhaurirano mudare reparamende.

Nhengo yeZanu PF Central Committee uye vachimirira Pelandaba-Mpopoma mudare reparamende, VaJoseph Tshuma, vanoti bato ravo riri kushanda zvakasimba kudzivirira matambudziko akatarisana nevashandi aya, sezvo pasina bato rezvematongerwo enyika ringada kuona vanhu vachazorivhotera vachitambura.

VaTshuma vanoti bato reMDC ndiro rinofanirwa kunopiwa mhosva iyi sezvo riri iro rakanokumbira zvirango kunyika dzekumawirira.

Vanoti ino haichisiri nguva yekuti vemapato vaswere vachinongedzana asi kuti vanofanirwa kuchishanda pamwe chete kuitira kuti vagadzirise matambudziko aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG