Accessibility links

Breaking News

IMF Yokurudzira Zimbabwe Kuvandudzawo Mitemo Inobata Nyaya dzeVashandi


Sangano reIMF rinokurudzirawo zvakare Zimbabwe kubhadhara zvikwereti zvayo
Sangano reIMF rinokurudzirawo zvakare Zimbabwe kubhadhara zvikwereti zvayo

Sangano rinokweretesa mari reInternational Monetary Fund, IMF, rinoti hurumende yeZimbabwe inofanira kuvandudza zvakare mitemo inobata nyaya dzevashandi pamwe nekuvhura makambani kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Vachitaura nevatori venhau muHarare neMuvhuro, Muzvare Chileshe Kapwepwe, vanomirira nyika makumi maviri nenhatu dzemuAfrica dzinosanganisira Zimbabwe pabhodhi reIMF, vati Zimbabwe inofanira kuvandudza zvakare mitemo inobata nyaya dzevashandi pamwe nekuvhura makambani anogadzira zvinhu kuitira kuti hupfumi hwenyika husarambe huri mumadhaka mahuri.

Mashoko aMuzvare Kapwepwe anouya apo Zimbabwe yakapasisa mutemo mutsva unobata nyaya dzevashandi nevashandirwi zvichitevera kudzingwa mabasa kwakaitwa vanhu vanodarika zviuru makumi maviri nezvishanu kubva pakaturwa mutongo nedare repamusoro-soro reSupreme Court wekuti mushandi aigona kungodzingwa mushure mekupihwa mwedzi mitatu.

Muzvare Kapwepwe, avo vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvemari kuZambia, vanoti IMF iri kugutsikana kuti hurumende yeZimbabwe yazadzisa zviga zvizhinji zvayakatarirwa nesangano ravo vachiti pachine zvishoma zvirikuda kugadziriswa zvinosanganisira kubhadharwa kwezvikwereti zvine nyika kumasangano akaita seIMF, World Bank neAfrican Development Bank.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaWasington Mahlemakhulu vanoshanda nesangano reResource Exploitation Watch vanoti chirongwa cheStaff Monitored Programme chakanangana nekuumbiridza hukama pakati peZimbabwe neIMF.

Zvichakadai, gurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa vati hurumende yakakumbira kuti paitwe musangano nemasangano ekunze anokweretesa mari aya pamusangano wepagore weWorld Bank uchaitirwa kuLima guta rePeru mwedzi unouya.

VaChinamasa vati Zimbabwe yave nechikwereti chemari inoita bhiriyoni rimwe chete pamwe nezviuru mazana masere zvemadhora ($1.8 billion) isati yabhadharwa inofanira kunge yakabhadharwa kare kubva pachikwereti chine nyika kuIMF, World Bank pamwe neAfrican Development Bank icho chinosvika mabhiriyoni anodarika masere.

Zimbabwe iri kutadza kuwana zvikwereti kubva kumasangano ekunze anokweretesa mari kuti isumudzire hupfumi hwayo nepamusana pekuti iri kutadza kubhadhara zvikwereti zvayakatora kare kumasangano aya.

Zvichakadai, VaChinamasa vaudza vatori venhau kuti kusamira zvakanaka kwehupfumi kunyika yeChina kuri kuitawo kuti zvinhu zvisamire zvakanaka muZimbabwe sezvo China iri iyo yanga ichitenga zvinhu zvakakwanda muZimbabwe.

VaChinamasa vati kunyange hazvo hupfumi hwenyika husina kumira zvakanaka kuChina pari zvino, vane chivimbo chekuti makambani ekuChina achauya muZimbabwe kuti azoshandamo zvikuru sei mukugadzirwa kwemigwagwa nezvimwe zvakadaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG