Rimwe sangano revarimi, reZimbabwe Commercial Farmers Union, ZCFU, rinoti kunyange hazvo richitambira danho rehurumende rekuti varimi vakagariswa patsva vange vachibhadhara mari yekushandisa mapurazi aya, harinyanyofari sezvo hurumende isinawo kutanga yanzwawo pfungwa yaro.
Mutungamiri weZCFU, VaWonder Chabikwa vanoti kunyange hazvo vakaitawo zvekunzwa nebepanhau reThe Herald, zvanga zvakakosha kuti hurumende itange yanzwawo kubva kumasangano anoshanda nevarimi ava zuva nezuva kuti varovane masoro.
Gurukota rezvekurima, vadouglas mombeshora vakazivisa mazuva mashoma apfuura kuti kutanga gore rino, hurumende ichange yobhadharisa varimi vakagariswa patsva mumapurazi e A1 ne A2 mari dzerendi kuitira kuti iwane mari yekubhadhara budiriro dzakasiiwa nevarimi vechichena vakatorerwa mapurazi.
Varimi ve A1, avo vane minda midiki yekumaruwa vanonzi vachange vachibhadhara madhora gumi ekushandisa minda yavo pagore, pamusoro pemadhora mashanu emari yemutero, kuchitiwo varimi vemapurazi makuru e A2, vanenge vachibhadhariswa madhora matatu pahekita pagore pamusoro pemadhora maviri pahekita pagore yavari kubhadhara semutero.
Mari iyi inonzi ichange ichibhadharwa kubazi rezvekurima, iro rinonzi richange richizosvitsa mari iyi kuhomwe yehurumende.
Dare remakurukota rinonzi rakatopasisa hurongwa uhu kare.
Asi VaChabikwa vanoti pane nyaya dzakaita sevarimi vasina kugara pane zvivakwa kana dzimwe budirio dzinoda kutanga dzajekeswa nehurumende.
Imwe nyaya inonzi naVaChabikwa inofanirwa kujekeswa ndeyekuti kana murimi achinge abhadhara mari yekushandisa munda wake kwenguva yakati kuti agozopiwawo chibatiso kana kuti ma title deeds kuitira kuti ashande achiziva kuti munda ndewake.
Vanoti vachaedza kuti vaone kuti vanga gara pasi nehurumende here kuti vaedze kukurukura zvimwe zvezvichemo zvavatotanga kuwana kubva kuvarimi.