Accessibility links

Breaking News

MDC T Yosangana Kuti Iongorore Zvakabuda kuMatunhu Pamberi peKongiresi


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai

National Executive yebato reMDC T iri kutarisirwa kusangana nemusi weMugovera kuti iongorore mafambiro akaita makongiresi ebato iri akaitwa mumatunhu gumi nemaviri emunyika.

Makongiresi aya akashandiswawo nematunhu mukudoma vanhu vachakwikwidza muzvigaro zvepamusoro mubato iri pakongiresi yebato ichaitwa mukupera kwemwedzi uno Gumiguru.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti musangano wavo weMugovera uchatarisawo pamwe nekugadzirisa zvinyunyuto zvinenge zvakabva mumatunhu kana kuvanhu panguva yekudoma vachakwikwidza pakongiresi.

Makongiresi ematunhu aya akaburitsawo zvinyunyuto zvinosanganisirawo nyaya dzekutengwa kwemavhoti, kubiridzirwa kwesarudzo, uye kufurirwa kwevanhu kuti vadome vamwe vanhu muzvigaro.

Matunhu ose ebato iri akadzosera hutungamiri huna hwepamusoro, uye pachigaro chemunyori mukuru matunhu gumi nerimwe akadoma munyori wezvekurongwa kwemisangano, VaNelson Chamisa, dunhu rimwe rakadomawo mutauriri webato iri, VaDouglas Mwonzora, kuti vatore chigaro ichi.

VaMwonzora vakadomwawo nematunhu gumi nerimwe kuti vaite mutauriri webato.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanoti havaoni musangano weMugovera uyu uine zvakawanda zvauchashandura kubva mune zvakabuda mumatunhu.

Tichiri munyaya dzeMDC T, imwe nhengo yeMDC T kuBulawayo, VaMatson Hlalo, vanonzi vakwirira dare mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, sachigaro webato, VaLovemore Moyo, pamwe nevachangobva kusarudzwa sasachigaro wedunhu reBulawayo, VaGift Banda, vachipikisa kusarudzwa kwaVaBanda.

Nyaya iyi inonzi yanzwikwa mudare repamusoro reHigh Court kuBulawayo kwakare.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, avo vanowe gweta riri kumirira VaTsvangirai nevamwe vavo, vaudza Studio7 kuti mutongi wedare, avo vavati vanonzi Justice Makonese, vasendeka nyaya kuenda kumusi weChina svondo rino.

VaHlalo vanonzi vari kuti VaBanda vakanga vasingakodzeri kusarudzwa sasachigaro sezvo vakanga vasiri nhengo yebato reMDC T.

Asi VaMwonzora vati varatidza humbowo mudare hwekuti VaBanda vagara vari nhengo yebato kwemakore gumi ose.

Vati chimwe chavashamisa ndechekuti VaHlalo vakasvitsa nyaya yavo kudare uye yanga ichitarisirwa kukurukurwa nemusanganop we National Executive neMugovera.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaHlalo kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Hurukuro naVaCharles Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG