Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti VaChihuri naVaChombo Vabhadhare Munhu Akashungurudzwa ari Muhusungwa

Mapurisa anopomerwa mhosva yekushungurudza vasungwa nguva zhinji
Mapurisa anopomerwa mhosva yekushungurudza vasungwa nguva zhinji

Mukuru-mukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri pamwe negurukota rinowona nezve mukati menyika, VaIgnatius Chombo, vanzi nedare varipe mumwe mugari wekuChingwizi, mudunhu reMasvingo uyo anonzi nedare akashungurudzwa pamwe nekurwadziswa nemapurisa paakasungwa gore rapera.

Mutongi wedare ramejasitiriti rekuChiredzi VaTafadzwa Mhlanga vatura mutongo wekuti VaChihuri naVaChombo vabhadhare mugari wekuChingwizi uyu VaZulu Jinya, mari inoita madhora mazana mashanu nemakumi mashanu, zvichitevera kusungwa kusingakodzeri pamwe nekushungurudzwa kunonzi kwavakaitwa.

VaJinya nevamwe vagari vekuChingwizi munharaunda ye Mwenezi mudunhu reMasvingo vakasungwa gore rapera.

Panzwikwa nyaya iyi neChishanu, dare rakanzwa kuti VaJinya vakarohwa zvakaomarara nemapurisa vari muhusungwa, izvo zvinozni zvaita kuti dare riti VaJinya vabhadharwe kushungurudzwa nekurwadziswa kwavakaitwa nemapurisa.

Rimwe remagweta ari kumirira vagari vekuChingwizi ava Amai Peggy Tavagadza, vaudza Studio 7 parunhare vari kuChiredzi kuti vafara zvikuru nemutongo waturwa nedare.

Amai Tavagadza vati mutongi wedare aratidza kushushikana zvikuru mumutongo wake nekurohwa kwakaitwa VaJinya vari muhusungwa.

Vaudzawo Studio 7 zvakare kuti pane vamwe vagari vekuChingiwizi vachiri mumatare nenyaya dzavari kupomerwa dzemhirizhonga.

Zvichakadai, Amai Tavagadza vati hupenyu hwevagari vazhinji vekuChingwizi huri munjodzi sezvo mvura yave pedyo kunaya.

Vanhu vakawanda vakasara vasina pekugara uye chekudya zvichitevera mafashamu emvura akaitika kudhamu reTokwe Murkosi muna Kukadzi wegore rapera.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaChombo naVaChihuri kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG