Nyaya yekugadzirisa hupfumi hwenyika inenge yoramba ichinetsa zvichitevera mashoko eZimbabwe Revenue Authority, ZIMRA, ekuti iri kutadza kuunganidza mari yemitero yavange vachitarisira kubva kuvanhu nemakambani.
Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari muridzi wekambani yeManagement Solutions, VaLuxon Zembe, avo vaimbova mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce, vanoti vanhu vose vanofanira kutsigira zviri kuitwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, zvekuyedza kugadzirisa hupfumi vachishanda neIMF.
Zimbabwe pari zvino haisi kupihwa zvikwereti nenyika uye mabhanga ekunze nepamusana pekutadza kubhadhara mitero.
Mamwe makurukota ehurumende kusanganisira rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaPatrick Zhuwawo, pamwe rezvevakarwa hondo, VaChris Mutsvangwa, vange vachishora VaChinamasa zvikuru vachiti vari kurasika nekuda kuumba hukama neIMF neWorld Bank.
Mari dzemitero inobatwa nehurumende dzinoshandiswa kubhadhara vashandi vehurumende, kugadzira migwagwa, zvikoro, magwenya emagetsi, madhamu nezvimwe zvivakwa.
Mukati memwedzi mitanhatu yekutanga kwegore rino, ZIMRA yakawana mari inosvika US$1,66 billion asi iyo yaitarisira mari inosvika US$1,76 billion.
Sachigaro webhodhi reZIMRA, Amai Willia Bonyongwe, mumashoko avo mugwaro rezvemamiriro emari yemitero, vanobvuma kuti kusamira zvakanaka kwehupfumi kwapa kuti makambani akawanda atadze kubhadhara mitero.
Vanotiwo vakayedza kupa makambani nguva yakareba yekubhadhara zvikwereti vachiyambira kuomesera vari kuramba kubhadhara mari dzemitero vachiviga mari kuti ZIMRA isaone zviri kuitika, asi zvakakona n’anga murapwa achida .
Makambani ane zvikwereti kuZIMRA zvemari inosvika bhiriyoni imwe chete yemadhora. Hatina kukwanisa kubata mukuru weZIMRA, VaGershom Pasi, sezvo nhare yavo yange isiri kudairwa.