Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Nyika Yavekuda Hutungamiri Hutsva


VaTendai Biti
VaTendai Biti

Mutungamiri webato rakaparurwa mwedzi wapera rePeople’s Democratic Party VaTendai Biti vanoti Zimbabwe inoda hutungamiri hutsva hune mazano ane hudzamu kuti ikwanise kubuda mumatambudziko mairi.

VaBiti vataura mashoko aya kuvatsigiri vebato vaungana muCity Hall muBulawayo pamusangano wekuparura magwaro maviri anoburitsa hwaro hwebato ravo hwekuti rinoda kuzotungamira nyika sei.

VaBiti vati zvinhu zvinorwadza kuti nyika iri kutungamirwa nemunhu akwegura saVaRobert Mugabe avo vavati vari kutungamira bato risisina kana zano rekuti roburitsa sei nyika mumatambudziko ayakatarisana nawo.

VaBiti vati magwaro ebato ravo anoti reHolistic Program for Economic Transformation –kana kuti HOPE- pamwe neAgenda for the Restoration and Rehabilitation of Electoral Sustainability –kana kuti ARREST- anopa mhinduro dzose kumatambudziko akatarisana nenyika.

VaMoses Manyengavana avo vanove mukuru mukuru weboka revechidiki vePDP vati vechidiki vebato ravo vakazvipira kurwa hondo yekuti zvinakire veruzhinji.

Asi vati bato ravo harina hurongwa hwekuita hondo yekudeura ropa asi, hwekupa mazano anoita kuti nyika ienderere mberi.

VaManyengavana vatiwo bato ravo rakazvipira kushanda nemamwe mapato pamwe nevamwe vanhu vose vanoda kuti Zimbabwe ibudirire asi vati havakwanise kushanda nevamwe vanozviona sekunge ndivo chete vanofanirwa kutungamira pane zvose.

Vamwe vatsigiri vePDP vataura neStudio 7 vati vafara zvikuru nekuparurwa kwehurongwa hwebato iri muBulawayo.

Mumwe wevatisgiri ava Amai Spiwe Ngulube, avo vanove nhengo ye national committee yeboka remadzimai, vaudza Studio 7 kuti vane chivimbo chekuti bato ravo ndiro richakwanisa kutungamira nyika kubva mumatambudziko ayiri.

Mutauriri wePDP VaJacob mafume vatiwo vaona zvakakosha kuparura magwaro ebato ravo muguta reBulawayo sezvo riri iro guta guru rechipiri munyika.

Vamwe vakuru vakuru vebato iri vatauravo pamusangano uyu vanosanganisira mutevedzeri waVaBiti VaSamuel Sipepa Nkomo, sachigaro webato iri Amai Lucia Matibenga, pamwe nemunyori mukuru webato iri VaGorden Moyo.

Vakuru vakuru ava vakurudzira vatsigiri vavo kuti vakwezve vamwe vatsigiri vakawanda kubato ravo asi vachiita izvi murudo nerunyararo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti chichatadzisa mapato anopikisa kukunda Zanu-PF musarudzo inyaya yekuti akawandisa uye haasi kushanda pamwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG