Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuBritain, Amai Cynthia Masiyiwa-Mukoko, vakadomwa kuti vapiwe mubairo wekuvaremekedza kuburikidza nemabasa avo avari kuita munharaunda yavagere, pamabiko achaitwa muLondon neChishanu neBlack Entertainment Film, Fashion, Television and Arts Awards.
Mubairo uyo vari kutarisira kupiwa ndewemudzimai wechidiki anokwanisa kutungamira, kana kuti Female Young Leader of The Year Award.
Amai Masiyiwa-Mukoko vakadomwa kuti vapiwe mubairo uyu mushure mekuonekwa kwemabasa avo ekubatsira kwavo vazhinji vevanhu vanobva kunyika dzakasiyana-siyana kusanganisira Zimbabwe mukugadzirisa hugaro hwavo pamwe nekutsvaga mabasa muBritain.
Vamwe vevakadomwa kuti vawane mubairo pamabiko aya mutambi wenhabvu weku Ivory Coast ane mukurumbira, Didier Drogba, uyo akaita mbiri ari kuchikwata cheChelsea.
Vakabudirira, uyu hausi mubairo wekutanga kupiwa Amai Masiyiwa-Mukoko.
Muna 2011 vakawana mubairo weUK Young Leaders of The Year, uye muna 2013 vakawana mubairo wekuve mumwe munhukadzi wechidiki akakosha gorero, The Young Women of The Year Award, mukati memimwe mibairo yakasiyana-siyana yavakawana.
Amai Masiyiwa-Mukoko vakaenda kuBritain vaine makore gumi nemashanu ekuberekwa, asi vakakwanisa kusvika vachibatsira vamwe vanobvawo kunze vachipinda munyika iyi pamwe nenharaunda yavo mukubatsira vanhu.
Vanoti kwemakore mana apfuura vakanga vachishanda nezvikwata zvinotaura nevatungamiri vemunyika iyi pamwe nevemapato anopikisa kuti mitemo ine chekuita nezvekupinda pamwe nekubuda kwevanhu muBritain ishandurwe.
Amai Masiyiwa-Mukoko vanoti kusvika pari zvino hondo hombe yavakwanisa kukunda ndeyekuti vana vasaendeswa kumakamba anochengeterwa vanhu vanenge vasina pagwaro ekupinda kana kugara munyika zviri pamutemo.
Vanoti vachishanda nesangano re Citizen UK, vakaita hurukuro nemutungamiri wehurumende yeBritain, VaDavid Cameron, mutewedzeri wavo pamwe nemakurukota ezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika kuti vana vanenge vaine vabereki vavo vasaiswa kumakamba aya.
“Now, by law you can’t detain mwana because haana ma paper, so that’s one of the biggest issues I’ve worked on,” Amai Masiyiwa-Mukoko vanodaro.
Vanoti vane dzimwewo nyaya dzakawanda dzavakwanisa kugadzirisa dzakaita sekuwaniswa kwevanhu ava mabasa kuburikidza nekutaura kwavo nevashandirwi.