Accessibility links

Breaking News

Musangano weVashandi veHurumende Unokundikana Kuitwa

Vashandi vehurumende vanonzi vari kuronga kuramwa mabasa kuti vagadzirisirwe mashandiro avo
Vashandi vehurumende vanonzi vari kuronga kuramwa mabasa kuti vagadzirisirwe mashandiro avo

Musangano wevashandi vehurumende wanga wakatarisirwa kuitwa pasi pesangano reApex Council watadza kubudirira mushure mekunge mamwe masangano arega kuenda nezvikonzero zvisati zvazivikanwa.

Vane ruzivo nezvemusangano uyu vanoti wanga uchitarisirwa kubuda nechisungo panyaya yekuti vashandi voramwa mabasa here kana kuti kwete.

Zvinonzi masangano mashanu chete kubva mumasangano gumi nemana anomirira vashandi vehurumende ndiwo aenda kunzvimbo yanga ichitarisirwa kuitirwa musangano uyu, iyo inonzi yanga yakakiyiwa.

Mumwe musangano wakaitwa masvondo maviri apfuura unonzi wakanga wasunga kuti masangano aende kunhengo dzawo kunonzwa kana dzakanga dzichitsigira pfungwa yekuramwa mabasa, ozosangana neChipiri kuti azeye zvinenge zvabva kunhengo dzawo.

Asi zvinonzi masangano evashandi aya haasi kuwirirana panyaya yekuramwa mabasa iyi.

Mukuru weZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, VaSifiso Ndlovu, vanoti kunyange hazvo musangano uyu wakundikanda kubudirira, vanotarisira kuti vashandi vehurumende vachawirirana mune zvisungo zvavo.

Asi VaNdlovu vanoti semaonero avo nzira yekuramwa mabasa haisi iyo yoga inogona kushandiswa.

Munyori mukuru weProgressive Teacheras Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanoti vakatyamadzwa nedanho ratorwa nemamwe masangano anoti anomirira vashandi rekusaenda kumusangano uyu.

VaMajongwe vanoti vanofunga kuti paita kufurirana pakati pemamwe msangano kuti asapinda mumusangano uyu sezvo humwe hutungamiri hweApex Council hwatadza kuenda kumusangano uyu kunze kwasachigaro VaRichard Gundani.

Hurukuro naVaSifiso Ndlovu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaRaymond Majongwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG