Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anosunga Vechidiki veMDC Vachiratidzira muWarren Park


Muzvare Joana Ruvimbo Mamombe
Muzvare Joana Ruvimbo Mamombe

Mapurisa emuHarare asunga vechidiki vebato rinopikisa reMDC Alliance vange vachiratidzira muWarren Park kuHarare.

Vechidiki ava vanga vachiti havasi kufara nenyaya yekuti vanhu vari kunzi vagare mudzimba asi vasina chekudya.

Vasungwa ava vanosanganisira mumiriri weHarare West mudare reparamende, Muzvare Joana Mamombe; mutevedzeri wasachigaro webato revechidiki reYouth Assembly, Muzvare Cecilia Chimbiri, uye mutevedzeri wemunyori anoona nezvekurongwa kwemabasa, Muzvare Netsai Marova.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, avo vati vange vari mumusangano pavafonerwa.

Asi gweta revasungwa ava, VaJeremiah Bamu veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti ichokwadi kuti vechidiki ava vasungwa nemapurisa.

Munyika mose munonzi masungwa vanhu vanodarika zvuru makumi maviri nezvitanhatu kubva pakatanga kunzi vanhu vagare mudzimba musi wa 30 Kurume.

Vanhu ava vari kusungwa vachinzi vari kutyora mitemo yekuti vagare mudzimba, kana kuti Covid-19 National Lockdown, uye vazhinji vavo vanenge vasina kupfeka ma face mask.

Vanhu vakawanda vakasungwa kuBulawayo uye vamwe vari kuchema chema kuti vari kurohwa zvakaipisisa nemapurisa pavenenge vachisungwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG