Accessibility links

Breaking News

Kubviswa kwaVaMugabe Hakusi Kukatyamadza Vanhu


UProfessor Welshman Ncube uthi uzulu kayekele ukuvotela idonki efileyo. (Photo: MDC Facebook)
UProfessor Welshman Ncube uthi uzulu kayekele ukuvotela idonki efileyo. (Photo: MDC Facebook)

Vanhu muBulawayo vanoti nekuda kwezvange zvichiitika mumazuva apfuura, havazi kushamisika nedanho reCentral Committee rekudzinga mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pakuve mutungamiri webato iri.

Mutungamiri weMDC variwo mutauriri wemubatanidzwa wemapato ari pasi peMDC Alliance, VaWelshman Ncube, vati vave kutarisira kuti VaMugabe vachataura kuti vasiya basa sezvo zviri pachena kuti vechiuto vange vachibatsira kutsigira hutongi hwavo kwenguva yakareba; nevanhuwo zvavo, havachada kuti varambe vari mutungamiri wenyika.

VaNcube vati vanotarisira kuti vechiuto vadzorere masimba kuhurumende yevanhu uye kuti veZanu PF vachaona zvakakosha kuti pave nemubatanidzwa wemapato uchagadzirisa zvinhu munyika kwenguva pfupi kobva kwaitwa sarudzo.

Pakuti vanoona sei nyaya yekuti VaEmmerson Mnangagwa ndivo vanogona kuve mutungamiri wehurumende kuchitariswa nhoroondo yavo munyaya yeGukurahundi, VaNcube vati vanovimba kuti VaMnangagwa nevamwe vavo vachadzidza kuremekedza kuti zvido zvevanhu ndizvo zvinofanirwa kukosheswa.

Izvi zvatsigirwawo naVaIphithule Maphosa avo vati vanotarisira kuti veZanu PF vatore mukana uripo pari zvino wekuti nyaya yeGukurahundi igadziriswe.

Mumwewo mugari uyo angozvidoma nezita rekuti Moses ati zviri kuitika munyika pari zvino chinhu change chisingatarisirwi nevakawanda akati anotarisirawo kuti mushure mezvose, vechiuto vachadzokera munzvimbo dzavo dzekushandira vosiya hurumende mumaoko evanhu.

Mutapi wenhau anoshanda akazvimirira ega, Pamenus Tuso, ati anotarisira kuti VaMugabe semunhu ane mbiri yekuti vanotevedzera zvido zvevanhu, vachasiya basa.

Asi atiwo VaMugabe vanogona kusimba nenyaya yekuti kupindira kwakaitwa nevechiuto hakuzi pamutemo.

Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu, Muzvare Nozipho Moyo, atiwo chinhu chave kutarisirwa nevakawanda kuti VaMugabe vasiye basa asi vati kupindira kwakaita nevechiuto kunoita kuti vashushikane.

Munyori webato reMDC T, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio 7 parunhare kuti kana vakasataura kuvanhu kuti vasiya basa munguva pfupi inotevera, bato ravo richave pamberi muparamende mukuita inonzi impeachment muChirungu kuti VaMugabe vasiye basa.

Vati hapana chavanoona chakaipa pakuita izvi vachiti bato ravo rakatomboda kutora danho rakadaro munguva dzapfuura asi izvi zvaikundikana nekuda kwekuti mudare reparamendde nhengo dzebato reZanu PF dzakawanda kudarika vemapato anopikisa.

Nyaya Ina Taurai Shave
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG