Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vokurudzirwa Kutaura neVana Vavo Pamusoro peZvirwere Zvepabonde


Youths Support Use of Tivikay
Youths Support Use of Tivikay

Vabereki vari kukurudzirwa kuti vave nenguva yekukurukura nevana vavo pamusoro pezvirwere zvinotapuriranwa zvepabonde kuitira kuti zvirwere izvi zvisapararire mune vechidiki.

Vabereki vari kukurudzirwa kuti vave nenguva yekukurukura nevana vavo pamusoro pezvirwere zvinotapuriranwa zvepabonde kuitira kuti zvirwere izvi zvisapararire mune vechidiki.

Kurudziro iyi yakaitwa negurukota rinoona nezvehutano pamwe nekurerwa kwakana kwevana, Dr. David Parirenyatwa, zvichitevera musango mukuru wakaitwa muHarare wenyika dzemuAfrica uyo wakapera nguva pfupi ichangodarika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dr Parirenyatwa vanoti yatove hondo chaiyo nekuti vechidiki ndivo vane hutachiona hwakakwirisisa kupinda mamwe mazera ese.

Muzvare Winnie Doyce avo vari kuita zvidzidzo zvavo zvepamusoro pa Chinhoyi University of Technology, vanotsinhira Va Parirenyatwa kuti vabereki vanofanira kuva nenguva yekukurukura nevana vavo.

Muzvare Tendai Zimunhu vari kuita zvidzidzo zvazvo zvepamusoro zvekutapa nhau vari muHarare. Vanoti vana vari kuzongopedzisira vapinda munjodzi nechirwere chemukondombera nekuda kwekushaya anonyatsovapa mazano.

Amai Florence Zhakata, avo vane makore makumi mana nemashanu ekuberekwa, vanoti zvakakosha kuti vabereki vakurukure nevana, asi ivo vana vacho vanofanira kuvaremekedza.

Mumwe mubereki anotsigira izvi, ndiBaba Mupangiri Zhou, avo vane makore makumi matanhatu ekuberekwa. VaZhou vanopanga mazano kuvanhu vane mazera akasiyana siyana pamusoro pehupenyu. Baba Zhou vanoti vechidiki vanofanira kuzvininipisa pamberi pevabereki vavo sekutaurwa kwazvinoitwa mubhaibheri.

Baba Zhou vanoti hazvirevi kuti mwana haafaniri kungotevera zviri kuitwa nevamwe vake kunyange zvakaipa.

Mumwe chiremba wemuHarare, Dr. Tatenda Chigonda, vanoti hondo yekurwisa HIV pamazera echidiki yakuzobudirira zvichitevera kuparurwa kwakaitwa mushonga mutsva we tivikay.

Vanoti vabereki vanofanira kukurudzira vana vavo kuti vanotariswa kana vane HIV, vokurumidza kupihwa mishonga yekuti vararame.

Dr. Parirenyatwa vanoti hurumende ichashandisa mari inopihwa pasi pechirongwa che Global Fund kuparadza mukondombera pamazera evechidiki.

Vabereki vakazvipa nguva yekukurukura nevana vavo pamusoro pezvirwere zvinotapuriranwa, vachivapanga mazano, ivo vana vacho vachizvirereka, hondo yekurwisa mukondombera pamazera madiki inogona kubudirira.

XS
SM
MD
LG