Vanhu vanga vachida kurapwa vaswera vari mumutsetse murefu pachipatara cheParirenyatwa muHarare asi pasina chavabatsirwa nacho mukuvira kwezuva.
Sezvo vana chiremba nana mukoti vasiri kuenda kubasa vachiti havana mari dzekufambisa dzinovakwanira, kurapwa pachipatara ichi kuri kunetsa izvo zvava kukonzera kuti vamwe varwere varasikirwe nehupenyu.
Mumwe wevanhu anga ari mutsetse, VaRobert Ganyani, vanoti vasvikonzwa kuti vanhu vaviri varasikirwa nehupenyu vakamira mumutsetse.
Mumwe anga achiperekedza hama yake kunorapwa, VaItai Mundondo, vati kunyange vauya kuma 8 dzemangwanani, vanga vasati vabatsirwa apo zuva range rave kudoka.
Vamwewo vanoti kusaenda kubasa kwana chiremba nana mukoti kwapa mukana kuvamwe vana chiremba kuti vati vanorwarirwa vabvise mari vasati vavatarisa.
Nyaya yange iri imweyo kuHarare Hospital, uko vana mukoti vachiri kudzidzira basa vange vachishanda zvine chinono mukati.
Sangano rinomirira vana chiremba, reZimbabwe Hospital Doctors Association, raburitsa gwaro richiti nhengo dzaro hadzisi kuzodzokera kumabasa kana hurumende isati yavapa mari yavo yemuhoro pamwe nemari yebhonasi.
Vanhu vazhinji vanoenda kuzvipatara zvehurumende vanhu vanotambura nekudaro kunyange kusina vana chiremba vanhu vakawanda vanongoramba vakagarira nechivimbo chekuti hurumende ichagadzirisa dambudiko iri mukuedza kuchengetedza hupenyu sezvo vasina mari dzekuenda kunoona vana chiremba kuzvipatara zvisiri zvehurumende.
Kuona chiremba kunoda mari inosvika madhora makumi matatu usati watanga kurapwa.