Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoshanyira Glen View Vachiona Varwere Vakabatwa neKorera


MDC Leader Nelson Chamisa Visit Cholera Affected Glen View3
MDC Leader Nelson Chamisa Visit Cholera Affected Glen View3

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vashanyira musha weGlen View muHarare uko kwapfunya chisero chirwere chekorera.

VaChamisa vakurudzira hurumende kuti itore matanho nekukasika kuitira kuti veruzhinji vasarambe vachirasikirwa nehupenyu.

VaChamisa vati vari kushushikana zvikuru nekufa kuri kuramba kuchiita vanhu mushure mekubatwa nechirwere chekorera icho chinonzi chaurauya vanhu makumi maviri neumwechete muHarare chete.

Vati haisisiri nguva yekuti vanhu vabatwe nezvirwere zvakaita sekorera netyphoid izvo zvinonzi nevehutano zviri kubata vanhu vakawanda muguta kunyanya mumisha yeGlen View, Budiriro pamwe neGlen Norah. Vakurudzirawo masangano ekunze akaita seUnited Nations kuti abatsire Zimbabwe mukurwisana nekorera.

Mukuru anoona nezvehutano munharunda yeHarare mukanzuru yeguta iri, VaGeorge Mutawa, vaudza Studio7 kuti veruzhinji vanofanira kuvirisa mvura yekunwa vasati vainwa uye kugara vakashambidzika pose pavari.

Mukuru anoona nezvekutakurwa kwemarara mukanzuru yeHarare, Amai Patricia Mukudu, vakurudzira kuti veruzhinji vasarasire marara pose pose uye vasachengete marara mudzimba.

Amai Mukudu vatiwo chimwe chiri kukonzera kupararira kwechirwere chekorera ichi ndechekuti vanhu vanorarama nekutengesa vari kutengesera hove munzvimbo dzisina kushambidzika izvo zvave kuita kuti vanenge vadya hove idzi vabatirewo chirwere chekorera.

Mumwe mukoti pachipatara cheGlen View Polyclinic, Muzvare Chido Mbizi, vati vanhu vazhinji vari kurapwa pachipatara chavo vari kupihwa mishonga kunyange hazvo vamwe vevanhu ava vasiri kubvumwa nemishonga.

Vakurudzira vanhu vanenge varwara kuti vamhanyire kuchipatara mekukasika kuti vasarasikirwe nehupenyu.

Zvichakadai, mumwe mugari wemuGlen View, VaAlec Muzekenyi, vati chirwere chekorera chicharamba chakapfunya chisero munzvimbo iyi sezvo kanzuru isiri kugadzirisa pombi dzinotakura tsvina kana kuti masuweji paine nguva.

VaMuzekenyi vati havachaziva zvekuita sezvo vachiti imba yavo pamwe nedzimwe dzakavakomberedza dzakajenga masuweji.

Mumwe mugari wemuGlen View makare, Amai Letwin Nyamayaro, avo vane vana vaviri vanodzidza pane chimwe chikoro chiri muGlen View makare, vari kukurudzira hurumende kuti ivhare zvikoro zvese munzvimbo yavanogara vachiti vave kutyira kuti vana vakawanda vachafa mushure mekutapurirana chirwere chekorera pamwe netyphoid.

Meya weguta reHarare, VaHerbert Gomba, vati veruzhinji vanofanirwa kunwa mvura yemupombi kwete kunwa mvura yemumigodhi vachiti mvura yekanzuru yakachena.

Meya weChitungwiza, VaGift Tichaona Tsverere, vaudza vatori venhau kuti mudhorobha mavo chirwere chekorera chapindawo uye vari kufungidzira kuti vanhu gumi nevaviri vari kurwara nechirwere ichi asi vaviri chete ndivo vari kunyatsozivikanwa kuti vane chirwere ichi.

Mukuru wesangano revagari vemuChitungwiza reChitungwiza and Manyame Residents Association, VaMarvelous Khumalo, vanoti dambudziko remvura mudhorobha ravo ndiro ringave riri kukonzera chirwere chekorera ichi. VaKhumalo vari kukurudzirawo kuti vanorarama nekutengesa, vatengesere munzvimbo dzine zvimbuzi uye zvine mvura.

Chirwere chekorera chakambouraya vanhu vanodarika zviuru zvina munyika makore mashoma apfuura uye bazi rezvehutano riri kukurudzira vanhu kuti vachengetedze hutsanana pose pavari kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG