Accessibility links

Breaking News

Vakagumurwa kuNRZ Voramba Kubuda Mudzimba dzeKambani Iyi


Vashandi vekambani yeNational Railways of Zimbabwe, NRZ, avo vakadzingwa mabasa muna Chikunguru zvichitevera mutongo wedare repamusoro wekupa makambani mvumo yekudzinga vashandi mushure mekuvapa chiziviso chemwedzi mitatu, vari kuramba kubuda mudzimba dzekambani iyi mushure mekunge kambani iyi yavaudza kuti vabude mudzimba dzayo sezvo vasirisiri kushandira kambani iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vashandi veNRZ vanoti kambani iyi yakavanyorera matsamba svondo rino uye yakaedza kuburitsa vamwe vashandi kuGweru asi vakaramba kubuda vachiti kambani iyi inofanira kutanga yavapa mari dzavo dzose.

NRZ haisati yapa vashandi ava mari dzavo dzemwedzi mitatu sezvakatarwa nedare uyewo vashandi ava vanoti vange vave negore vasiri kutambira.

Vanotiwo kambani iyi ine zvikwereti zvavo zvemwedzi yakawanda chose uye vachabuda chete mudzimba dzekambani iyi kana vapihwa mari dzavo.

VaEdgar Nyamuda ndemumwe wevashandi ava. VaNyamuda vanoti hapana kwavangaenda sezvo vasina kana mari yerendi.

VaMalvin Mahachi, avo vange vashanda muNRZ kwemakore manomwe, vanoti havana kwavanokwanisa kuenda sezvo vasina mari kana chokubata.

Amai Linda Masarira avo vaive nhengo yekomiti inomiriria vashandi kwaMutare vaudza Studio 7 kuti hapana mushandi anofanira kubuda mumba yeNRZ kudzamara vapihwa mari dzavo dzese.

Vati vanoziva kuti zvakaedzwa kuitwa kuGweru svondo rino zvichaitwa kumadhorobha ese. Asi vati havasiwo kufara nemaitiro evakuru vakauru vekambani iyi avo vave kuramba kutaura nevashandi.

Vati nekuda kwaizvozvo vachange vari kumuzinda wekambani iyi kuBualwayo nemusi weMuvhuro kuti vanzwe kuti vachawana mari dzavo rini.

Studio7 yatadza kutaura nemukuru wekambani iyi, VaLuis Mukwanda, kuti timwe divi ravo panyaya iyi.

Mukuru wekambani iyi anoona nezvevashandi, VaGilbert Ndhlovu, vangewo vasiri kudaira mbozhanhare yavo uye vashandi veNRZ vati pavambodaira vavaudza kuti vange vari mumusangano.

NRZ yakadzinga vashandi vanosvika mazana matatu munyika yese mumaChikunguru.

XS
SM
MD
LG