Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Netball Team Yogadzirira Mitambo Yayo Ichaitirwa kuNamibia


Zimbabwe netaball team
Zimbabwe netaball team

Chikwata cheZimbabwe Netball team chiri mukamba umo chiri kugadzirira makundano ePent Series neAfrica Netball Championships ayo achatambirwa mu Windhoek, kuNamibia.

Chikwata chevatambi gumi nevanomwe chiri kupinda mumakundano ePent Series ari kutanga musi wa 1 kusvika musi wa 5 Mbudzi achiteverwa nemakundano eAfrica Netball Championships ayo achaitwa kubva musi wa 10 kusvika 16 Mbudzi.

Zvikwata zveZimbabwe, Uganda, Malawi, Kenya, Namibia, Botswana, ne Zambia dzizvo zviri kukwikwidza muPent Series iyi.

Zimbabwe yavaka chikwata chitsva kunze kwevatambi Felistus Kwangwa, Sharon Bwanali, Claris Kwaramba, Lynette Tanhira, Patricia Mauladi, naUrsula Ndlovu avo vaive muchikwata chakaenda kuma 2019 World Cup.

Murairidzi wechikwata ichi, Lloyd Makunde, anoti mukamba mune manyuku-nyuku ekufara uyezve gadziriro iri kufamba zvakanaka.

Makunde anoti chinangwa chavo ndechekunokunda kuti vasimudzire mamiriro avo muhurongwa hwepasi rese.

Zimbabwe iri kutungamirwa naFelistus Kwangwa uyo akatambidzwa hukaputeni zvichitevera kuregedza mutambo kwaPerpetua Siyachitema.

Siachitema ave kurairidza chikwata cheGlow Petroleum.

Kwangwa anoti achangowedzera mwando kutangira pakasiiwa naSiyachitema.

Mutambi uyu anoti maGems ari kutarisira kusimudzira paakasiira apo akashanya kuLiverpool, England, kumakundano e2019 World Cup.

KuEngland, Zimbabwe yakapedza iri pachinhanho chechisere kubva pazvikwata gumi nezvisere.

Mutambi Joice Takaedza akapedza ari pachinhanho chechipfumbanwe pakunwisa zvibodzwa zvakawanda.

Makundano ePent Series aifanirwa kuve akaitwa muna Chikumi asi akamiswa nemhaka yechirwere che Covid 19.

Namibia ndiyo ine mukombe wePent Series uyu asi South Africa ndiyo ine mukombe weAfrica yese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG