Accessibility links

Breaking News

UANC Inoti Mapato Ose Ngaaite Mubatira Pamwe Mukugadzirisa Zviri Kunetsa Munyika


Bato revakambotungamira hurumende yeZimbabwe-Rhodesia, Muchakabvu Bishop Muzorewa, reUnited African National Council, UANC, rinoti rinopindirana nenyaya yekuti mapato ese ezvematongerwo enyika muZimbabwe aise musoro pamwe chete kuitira kuti agadzirise zviri kunetsa munyika sezvo hurumende yeZanu PF yatadza kuita izvi.

Vakasarudzwa kutungamira bato iri muna 2010 zvichitevera kufa kwaVaMuzorewa, VaNesbert Mtengezanwa, vaudza vatori venhau muHarare kuti zviri pachena kuti hurumende yaVaRobert Mugabe yatadza kutonga nyika uye zvave kuda kuti vanhu vaise musoro pamwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vatiwo mapato ese ezvematongerwo enyika anofanira kupihwa mukana wekuva munhaurirano dzekugadzirisa nyika.

Pavabvunzwa kuti chii chavangape vana veZimbabwe, VaMtengezanwa, avo vange vaine vamwe vakuru vakuru mubato ravo vakaita semutevedzeri wavo, VaPercy Chigodora, pamwe nemunyori webato iri, VaAliphios Mapuranga, vati mumasvondo mashomanana vachaparura hurongwa hwekusimudzira hupfumi uho vachashandisa kana bato ravo rikawana mukana wekutonga.

Vatiwo kunyange hazvo bato ravo range risiri kupinda musarudzo dzapfuura rine vamiriri mumatunhu ese munyika uye ndiro bato rega rinonatso nzwisisa VaMugabe nebato ravo sezvo vakashanda vese panhaurirano dzakaunza rusununguko munyika dzeLancaster House dzakaitwa kuBritain.

Zvichakadai vanoongorora zvematongerwe enyika zvakare vari mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vati havaoni bato reUANC richanyonyaita mutsindo sezvo rakakundikana kunyange ivo VaMuzorewa vaive vapenyu.

Vatiwo nhaurirano dzekuLancaster dzakaitwa kare chose uye bato reZanu PF rasanduka zvikuru kubva ipapo

Zvichakadai mutauriri weNational Assembly, VaJacob Mudenda, vayambira nhengo dzedare iri kuti vachatora matanho nenhengo dzinotadza kuuya kudare sezvo izvi zvave kukonzera kuti dare ritadze kuita basa raro pane dzimwe nguva nekuda kwekuti nhengo dzinenge dziri shoma

Vazivisawo dare iri kuti makurukota mazhinji aitadza kuuuya kudare kuzokupindura mibunzo akakumbira ruregerero uye vakatambira zvichemo zvawo.

XS
SM
MD
LG