Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vanoti VaMugabe naAmai Grace Mugabe Vosvitsa Zanu-PF Kumawere


Amai Joice Mujuru.
Amai Joice Mujuru.

Vakafanobata chigaro chekutungamira bato richangoumbwa reZimbabwe People First, Amai Joice Mujuru, vanoti zviri kuitika mubato reZanu-PF zvinoratidza kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, vave kuparadza bato reZanu-PF.

Vakafanobata chigaro chekutungamira bato richangoumbwa reZimbabwe People First, Amai Joice Mujuru, vanoti zviri kuitika mubato reZanu-PF zvinoratidza kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, vave kuparadza bato reZanu-PF.

Vachitaura nesangano renhau reAssociated Press, Amai Mujuru, avo vakadzingwa basa semutevedzeri wemutungamiri wenyika, vanoti remangwana reZanu-PF harina kujeka nekuda kwehutungamiri hwaVaMugabe nemudzimai wavo.

Amai Mujuru vatiwo zviri pachena kuti VaMugabe vave kuda kutora chigaro chekutungamira nyika kunge hushe hwemhuri yavo.

Amai Mujuru vashorawo maitiro aAmai Mugabe vachiti maitiro avo akasiyana zvachose nezvaiitwa namuchakabvu Sally Mugabe vaive mudzimai waVaMugabe wekutanga.

Kunyange hazvo Amai Mujuru vakadzingwa mubato reZanu-PF vachinzi vaida kutora chigaro chaVaMugabe nekukonzera nyonga nyonga, kunetsana kuri kuenderera mberi mubato iri.

Politburo yebato iri kusangana muHarare kuyedza kugadzirisa nyaya dzonetsazve mubato pakati pezvikwata zviri kurwisana.

Zvikwata zviri kurwisana zvinoti Team Lacoste inonzi inotsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika ,VaEmmerson Mnangagwa, neGeneration 40 iyo inonzi inoshanda naMugabe.

Asi kunyange hazvo Amai Mujuru vari kuti Amai Mugabe vari kuda kutungamirawo nyika, VaMugabe mbune muhurukuro yavo neZBC yavanoita pagore pabhavhudhe ravo vakati mudzimai wavo haana hurongwa hwekutungamira nyika.

VaMugabe vari kuyambirawo vari kurwisana mubato iri kuti vambomira havo kurwisana nekuti vachiri pachigaro kusvika temu yavo yapera muna 2018.

Asi VaMugabe vanoti vakatosarudzwa kare kuti vamirire Zanu-PF musarudzo yemutungamiri wenyika iri kuitwa mu 2018.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG