Nhengo yeZanu PF yakashaya Chishanu chapfuura, Senator Aguy Clement Georgius, varadzikwa neChipiri panzvimbo inovigwa magamba yeNational Heroes Acre muHarare mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiti itarisiro yavo kuti kusimudzirwa kwekushandiswa kwemari yekuChina yeYuan kutanga gore rinouya, kuchabatsira zvikuru munyaya dzekushanda kwemabhanga munyika sezvo mabhanga ari kubatirira veruzhinji.
Vachitaura pakuradzikwa kwaVaGeorgias avo vakaitwa gamba renyika neZanu PF, VaMugabe vati panguva iyo Zimbabwe yakatemerwa zvirango nenyika dzekuEurope neAmerica, mabhanga munyika ari kutemerawo vanhu zvirango nekuvabhadharisa mari yakwanda kana vachinge vakwereta pamwe nekuvatorera mari dzavo kana vachinge vaisa mari mumabhanga.
Zimbabwe iri kusimudzira kushandiswa kwemari yekuChina gore rinouya. Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti izvi zvichabatsira nyika mukubhadhara zvikwereti zvayo kuChina.
VaMugabe vati VaGeorgias vaive muzvinabhizimisi akarwisana nemabhanga panyaya iyi, uye vafa vari mushishi yekurwisana nenyika dzekuEurope pamusoro pezvirango zvehupfumi zvadzakatemera Zimbabwe.
VaMugabe vati kunyange hazvo VaGeorgias vange vasina kubudirira panyaya iyi, vange vakwidza kumatare zvakare kuti aiongorore uye itarisiro yavo kuti nyaya iyi ichabudirira.
VaMugabe vazivisawo kuti VaGeorgias vange vapererwa nemari vachirwisa zvirango zvehupfumi uye vange vave kubatsirwa nehurumende mukubhadhara magweta avo panyaya iyi.
VaGeorgias, avo vanove muridzi wekambani yeTrinity Engineering, pamwe nekambani yematiraki anotakura zvinhu, vakaiswa pazvirango ne European Union muna Kubvumbi 2007, zvichitevera kudomwa kwavakaitwa semutevedzeri wegurukota rinoona nezvekusimudzirwa kwehupfumi.
Muna 2007 wakare, VaGeorgias vakarambidzwa kupinda muBritain sezvo vaive pazvirango zve EU zvakatemerwa vakuru vakuru muZanu PF nemuhurumende yaVaMugabe.
Vakakwidza EU kudare vachida kuripwa mamiriyoni matanhatu ema euroes, vachiti vainge varasikirwa nebhizinesi ravo kuburikidza nezvirango izvi.
Asi dare rakarasa chikumbiro chavo.
VaMugabe vaenderera mberi vachiti vanofara chose kuti hurumende iri kusandura mashandiro emabhanga munyika kuitira kuti asarambe achibatirira veruzhinji munyika.
VaGeorgias, avo vange vari nhengo yeZanu PF Central Committee, vakashaya vave nemakore makumi masere ekuberekwa.