Accessibility links

Breaking News

VaMudenge Vanovigwa paHeroes Acre muHarare


VaStan Mudenge
VaStan Mudenge
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neMuvhuro vakurudzira kuti munyika muitwe sarudzo dziri pachena uye dzisina mhirizhonga. VaMugabe vataura mashoko aya muHarare pamarinda anoradzikwa magamba enyika pakuvigwa kwevanga vari gurukota rezvedzidzo yepamusoro soro, VaStan Mudenge.

VaMugabe vati veruzhinji vanofanira kuremekedza kuti vanhu vane maonero akasiyana mumagariro avo, mungava munyaya dzetsika nemagariro, kanawo zvematongerwo enyika.

Vakurudzira kuti vezvematongerwo enyika vasaite zvemhirizhonga pamberi pesarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rinouya dzavati dzinofanira kunge dziri sarudzo dziri pachena.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Va Douglas Mwonzora, avo vanga vari vamwe vevakuru vakuru ve MDC vanga vari panga pachiradzikwa VaMudenge, vatiwo mashoko aVaMugabe akanaka chaizvo asi vanofanira kubuda pachena kuti mapurisa asunge vese vanokonzeresa mhirizhonga.

VaMugabe vatsanangura VaMudenge, avo vakashayikira ku Masvingo neChina svondo rapera, semunhu ainge akashinga zvikuru munyaya dzekusimudzirwa kwenyika zvikurusei munyaya dzedzidzo. Vati VaMudenge munhu aida zvekubatanidza vanhu uye vakange vasingade zvetumapoka-mapoka twuri mubato ravo re Zanu PF.

Ataura akamirira mhuri yemushakabvu uye ari mwana waVa Mudenge, Muzvare Rumbidzai Mudenge, ati mhuri yavo pamwe neruzhinji rweZimbabwe yarasikirwa zvikuru nemunhu aida nyaya dzebudiriro.

VaMudenge vakashayikira pane imwe hotera kuMasvingo uko kwavanga vakatarisirwa kupinda musangano wezvedzidzo musi wakare.

VaMudenge vakatanga zvematongerwo enyika nyika isati yawana kuzvitonga kuzere. Pakapinda nyika mukuzvitonga muna 1980, VaMudenge vakashanda semunyori mukuru mubazi rinowona nezvekunze kwenyika. Muna 1985 vakazodomwa kuve mumiriri we Zimbabwe kusangano renyika dzepasi rose re United Nations.

Vakazosarudzwa senhengo yeparamende inomirira Masvingo North muna 1990. Kubva muna 1992 kusvika muna 1995, VaMudenge vakange vari gurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro ndokubvapo vava kuitwa gurukota rinoona nezvekunze kwenyika.

Muna 2008, mushakabvu akasarudzwa zvakare kuti amirire Masvingo North muparamende ndokuzogadzwa zvakare segurukota rezvedzidzo yepamusoro mushure mekuumbwa kwakaitwa hurumende yemubatanidzwa muna 2009.

Mu Zanu PF, VaMudenge vakafa vari nhengo yekomiti yepamusoro yebato iri uye vanga vari munyori anoona nezvekunze kwenyika.

VaMudenge vasiya mudzimai, Mildred, nevana vatatu vavakaita nemudzimai wavo wekutanga, Kgokgo, uyo akashayika.

Vasiyawo vazukuru vatatu uye mumwe mwana wavo, Mavhima, akashaya muna 2002.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG