Mutauriri weNational Assembly, VaJacob Mudenda, vakurudzira neChipiri nhengo dzedare reparamende kuti dziongorore zvibvumirano zvese zvakasainiranwa pakati peZimbabwe neChina svondo rapfuura pamwe nekuona kuti mari ichabuda pazvibvumirano izvi yashandiswa zvine mwero.
Vachitaura pamusangano wezuva rimwe wekuzeya bhajeti regore rinouya, VaMudenda vati nhengo dzeparamende dzine basa guru rekuona kuti mari yese inenge yawanikwa nehurumende yashandiswa nemazvo uye sezvinenge zvakarongwa pabhajeti.
Vati zvakakosha kuti nhengo dzeparamende dzione kuti zvibvumirano zvese zvakasainwa neZimbabwe neChina zvashanda mukubatsira veruzhinji.
China neZimbabwe zvakasainirina zvibvumirano zvekuita zvirongwa zvakati kuti zvinokosha mabhiriyoni angangosvike mana emadhora uye pasi pemutemo zvibvumirano izvi zvinofanira kuzozeiyiwa neparamende.
Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaObert Gutu, vaudza Studio 7 kuti vachaudza nhengo dzedare kuti dzirambe zvibvumirano izvi pazvichaunzwa kuparamende.
VaMudenda vatiwo nhengo dzedare reparamende dzinofanira kuona kuti bhajeti rinoita zvinodiwa neveruzhinji vakati zvinosuwisa kuti bhajeti regore rinouya remadhora mabhiriyoni mana harina mari yakawanda yekuita mabasa ekusimudzira hupenyu hwevanhu sezvo mari yaro zhinji ichienda kumihoro yevashandi vehurumende.
Vaenderera mberi vachiti kunyange hazvo gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vachiti hupfumi huchakura nezvikamu zviviri nechidimbu kubva muzana, kukura uku kuri pasi kweuko kunotarisirwa neveruzhinji pasi pechirongwa chehupfumi chehurumende cheZimAsset kana kuti Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation icho chinotarisira kuti hupfumi huchakura nezvikamu zvinomwe nechidimbu kubva muzana gore rinoouya.
VaMudenda vati vanotarisira nhengo dzeparamende dzese kuti dzipenengura bhajeti iri apo richazeiwa muparamende svondo rinouya dzisati dzaripasisa pamwe nekupa gurukota rezvemari mazano ekuti vakangavandudze sei hupfumi hwenyika.
Imwe nyanzvi munyaya dzepfumi, vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGodfrey Kanyenze, vaudzawo nhengo dzedare reparamende idzi kuti hupfumi hwenyika hausi kuzokura sezvinotarisirwa nekuti hurumende inokoshesa zvisina maturo.
Vanoti semuenzaniso hurumende inotengera makurukota ayo motokari dzinodhura asi ichitadza kuita zvinhu zvinoita kuti vanhu vararame zvakanaka sekuvapa mvura yakachena nekuvawanisa hutano.
VaKanyenze vatiwo havawoni hupfumi hwenyika huchikura sezvinotarisirwa nehurumende nekuda kwekusanaya kwemvura.
Vakurudzira kuti nhengo dzedare reparamende kuti dziite basa radzo nemazvo pamwe nekuona kuti hurumende yashandisa mari nemazvo.
Sachigaro wekomiti yeNational Assembly inoona nezvekushandiswa kwemari yehurumende kana kuti Public Accounts, Amai Paurina Mpariwa, vati nhengo dzeparamende dzine samba chose rekumanikidza makurukota ehurumende asi haadzina zvadzingaite kana pasina mari yakakwana.
Nhengo dzedare reparamende dzichatanga kuzeya bhaejeti regore rinouya svondo rinouya uye dzinotarisirwa kuripasisa dzisina kusandura zvakawanda sezvinowanzoitika makore ese.