Accessibility links

Breaking News

Muchetura weCyanide Wouraya Mombe kuTsholotsho North


Hurumende inofanirwa kutora matanho akasimba, kuitira kuti dambudziko remuchetura we cyanide ripere mudunhu reTsholotsho North.

Mashoko aya ataurwa nemumiriri we Tsholotsho North muparamende, Amai Roselene Nkomo, zvichitevera kufa kwemombe dzakawanda mudunhu iri.

Amai Nkomo vanoti muchetura wanga uchiuraya nzou mudunhu reMatabeleland North wava kuurayawo zvipfuyo zvevanhu zviri kupinda munzvimbo dzakamwayiwa muchetura nevanhu vaida kuuraya nzou.

Mombe dzinonzi dzafa kusvika pari zvino imbiri, kunyange hazvo paine kutyirwa kuti dzinogona kuwanda.

Mashoko ari kubudiswa mumapepanhau anotiwo kune nzou dzinodarika mazana matatu dzafa mushure mekundya ivhu rine muchetura uyu.

Amai Nkomo vanoti dambudziko iri rikasagadziriswa rinogona kuwira vagari vakawanda vemudunhu iri pachatanga kunaya mvura.

Amai Nkomo vanoti hurumende inofanirwa kutuma vana mazvikokota munyaya dzimuchetura kuitira kuti vaongorore mvura yenzizi nematsime mvura isati yanaya.

Amai Nkomo vanoti vanotyira kuti vagari nemhuka vanogona kunge vari kunwa mvura ine muchetura izvo zvinozovhiringa hutano hwavova pamwe nehwemhuka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG