Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Voshorwa Zvichitevera Kuzvidza Kwavo VaMnangagwa


.
.

Vaimbove nhengo yedare reparamende yeZanu PF uye vari mukuru wesangano reYouth Advocacy and Reform Democracy, VaTemba Mliswa, vashora zvikuru mudzimai wemutungumiri wenyika, Amai Grace Mugabe, avo vari kufamba vachituka nekushoropodza vamwe vakuru vakuru muhurumende.

Vaimbove nhengo yedare reparamende yeZanu PF uye vari mukuru wesangano reYouth Advocacy and Reform Democracy, VaTemba Mliswa, vashora zvikuru mudzimai wemutungumiri wenyika, Amai Grace Mugabe, avo vari kufamba vachituka nekushoropodza vamwe vakuru vakuru muhurumende.

Mumwe wevanhu vari kushorwa naAmai Mugabe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

VaMliswa vataura mashoko aya pamusangano wavaita nevatori venhau neMuvhuro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Musangano uyu waitwa apo panguva iyo vanonongorora zvematongerwo enyika nevanhuwo zvavo vari kushorawo Amai Mugabe vachiti vanofanira kusiyana netsika yavo yekutuka makurukota ehurumende.

VaMliswa vati VaMnangagwa nemamwe makurukota ehurumende havachina chimiro nekuda kwetukwa pamisangano iri kuitwa naAmai Mugabe.

Pamusangano wakaitwa kuChiweshe, Amai Mugabe vakashoropodza VaMnangagwa vakatukawo mamwe makurukota ehurumende nezvinonyadzisira.

VaMliswa vati izvi hazvina kunaka uye hazvitarisirwe kubva kumudzimai wemutungamiriri wenyika.

Vati zvichitevera kudzingwa kwevaimbova mutevedzeri waVaMugabe mubato nemuhurumende, Amai Joice Mujuru, pamwe nezviri kuitwa VaMnangagwa pari zvino, zviri pachena kuti Amai Mugabe vave kuda chigaro chekutungamira nyika uye vanoda kudzinga mubato vese avo vanogona kuvakanganisa kutora chigaro ichi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika zvakare vari mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vanoti hapana chichatadzisa Amai Mugabe kutora chigaro ichi kana murume wavo achida.

Vamwewo vanoongorora zvematongerwo enyika, VaFortune Gwaze, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo Amai Mugabe vakamboti havadi kutonga, pamusangano wekuChiweshe wakaitwa nemusi weChishanu vakatobuda pachena kuti ndivo vave panyanga.

Pamusangano wekare mutevedzeri wemutungungamiriri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, vakatiwo hazvisi pachena kuti mukaranga ndiye achatora chigaro chemutungamiriri wenyika kana VaMugabe vasisipo uye veruzhinji vashora mashoko aya.

Mumwe wevasina kufara nemashoko ava ndiva Malvern Mukundu vemauHarare.

Mukuru wesangano rinopikisa reDemocratic Party, VaWurayayi Zembe, vashorawo mashoko aya vakati haatarisirwi kubva kumunhu mukuru akaita saVaMphoko.

Mukuru wesangano ranachipangamazano reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vaudza Studio 7 kuti mashoko aVaMphoko akashata chose uye hazvina kunaka kuti vapinze nyaya dzemarudzi muhondo dzavo dziri muZanu PF.

Vatiwo zvakataura VaMphoko zvinotaridza pachena mafungiro ari mubato reZanu PF.

VaMphoko ndivozve vanoona nezvebazi rekuyananisa vanhu pamwe nekuregererena.

VaRuhanya vati mashoko aVaMphoko haenderani nebasa ravotarisirwa kunge vachiita muhurumende.

XS
SM
MD
LG