Varimi vazhinji vanoti havasisina tarisiro yekukohwa zvinovakwanira ivo nemhuri dzavo nekuda kwekusanaya kwemvura zvakanaka mudunhu reMashonaland West.
Mvura haisi kunaya zvakanaka munzvimbo dzakawanda mudunhu reMashonaland West kunyange zhizha rave pakati.
Mune dzimwe nzvimbo dzakaita seMhangura neMakonde, zvirimwa zvave kutooma nekuda kwekusanaya kwemvura zvakanaka.
Vamwe vakanonoka kudyara zvirimwa zvavo zvakatadza kumera nekuda kwekupisa kwezuva kwakanyanya mumwedzi waMbudzi.
Vazhinji vavo vanoti vanga vasati vambonzwa kupisa kwakadai muhupenyu hwavo hwese.
Mumwe wevanhu ava, Ambuya Sabina Jiri, avo vanorima kuMhangura, vanoti gore rino hakuna magutsa nekuti mvura hakuna.
Izvi zvinotsigirwa naAmai Prisca Nyandoro avo vanoti vave kutarisira mvura yekunwa nekukudza miriwo asi chibage vanoti hapasisina tarisiro.
Vazhinji vave kutarisira kuna Mwari kuti vaite minana kuitira kuti vararame.
Mumwe wevanhu ava ndi VaPhilimon Banda vekuLions Den avo vanoti kunaya kwemvura kuda kwaMwari.
Varimi vanoti vanofanirwa kuteerera kuna vana mazvikokota vekurima vanoti varime zvirimwa zvinokura nemvura shoma.
Vana mazvikokota vekurima vanoti kushanduka kwemamiriro ekunze ndiko kwave kukonzera kuti mwaka ishanduke.
Imwe nyanzvi inoongorora zvirimwa nemwaka yezvirimwa, VaCain Manzira, vanoti kusanaya kwemvura pakati pezhizha kunokonzera kusasvika kwezvirimwa izvo zvinozokonzera nzara munyika.
VaMatema vanoti varimi vanofanirwa kuziva mbeu dzekurima zvichienderana nepanenge pave nemwaka wemvura.
Vanoongorora nezvekurima vanoti nyaya yekushanduka kwekunze haisi kudzokera kumashure uye chave kudikanwa kurarama mukushanduka ikoko.
Vana mazvikokota ava vanoti Zimbabwe inofanirwa kuvandudza nyaya dzekurima kuitira kuti varimi varime nemvura yemadiridziro.