Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhai Vozeya Zvinovatadzisa Kuita Basa Ravo Zvakanaka


.
.

Pakatambirwa bumbiro idzva remitemo yenyika muna 2013, vatapi venhau vakakaita kunge vachabata denga nemufaro vachiti kodzero dzavo dzava kuzochengetedzwa.

Asi kusungwa, kurohwa, kutsakatiswa pamwe nekushoropodzwa kwayo kuri kuvasiya vakashama miromo yavo.

Vatori venhau vanoti vari kushushikana zvikuru nekukanganiswa kuita basa ravo nemazvo.

Vanoti izvi zviri kuitika kunyange hazvo bumbiro remitemo richichengetedza kubudiswa kwemashoko nekufambiswa kwayo pasina anombunyikidza vatori venhau.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe mutori wenhau dzekumatare, Susan Chitehwe, uyo anoti akambotyityidzirwa nevamwe vaakanyora nyaya yavo yaive mudare, anoti kutora nhau kwava kutyisa kunyanya pakatariswa kutsakatika kwaVaItai Dzamara.

Mumwe mutapi wenhau weDaily News aramba kudomwa nezita rake anotiwo haasi kufara nemashandisirwo munyika emitemo inotyora kodzero dzevatori venhau. Mutori wenhau uyu anotiwo kune vanhu munyika vasingaremekedzi mitemo, izvo zvinopa kuti basa rekutora nhau rityise muZimbabwe.

Mumwe mutori wenhau, Henry Sibanda, anoti anoshuvira kuti gore ra2016 rive nani kudarika gore ra 2015. Sibanda anotiwo munhu wese anofanirwa kuremekedza bumbiro rimitemo, iro rinochengetedza kodzero dzemunhu wese, kusanganisira vatori venhau.

Mukuru anoona nezvezvirongwa musangano reMisa-Zimbabwe, VaNyasha Nyakunu, vanoti kushungurudzwa kwevatori venhau kwakwakakwirira mugore ra2015.

VaNyakunu vanoti sezvo vatori venhau vachichengetedzwa nebumbiro remitemo, munhu wese zvake haafanirwe kuonekwa achivhiringa mabasa evatori venhau.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi, vanoti zvinosuwisa kuti pane zvikamu zvizhinji zvabatana nemapurisa emunyika mukushungurudza vatori venhau.

VaDongozi vanoti kunyange gore ra2016 hariratidzi chiedza chakanaka kuvatapi venhau.

Apo gore ra 2016 rinotanga, vatori venhau vakawanda vanoti shuviro yavo ndeyekuona vatori venhau vachisiyiwa vachishanda vakasununguka, uye mitemo yose inotyora kodzero dzavo ichivandudzwa kuitira kuti mitemo iyi isapikisane nezviri mubumbiro remitemo yenyika.

XS
SM
MD
LG