Accessibility links

Breaking News

Kurwisana Kuri muZanu PF Koyevedza Mapato Anonopikisa


Warring Movement for Democratic Change (MDC-T) faction leaders, Tendai Biti and Morgan Tsvangirai. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)
Warring Movement for Democratic Change (MDC-T) faction leaders, Tendai Biti and Morgan Tsvangirai. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)

Panguva iyo zvinhu zviri kuramba zvichiondomoka munyika, mapato anopikisa ari kuswera achinakurirana nyoka mhenyu pane kuti abatsirane mukuiuraya.

Panguva iyo zvinhu zviri kuramba zvichiondomoka munyika, mapato anopikisa ari kuswera achinakurirana nyoka mhenyu pane kuti abatsirane mukuiuraya.

Izvi zviri kusiya vanhu vakawanda munyika vachichema nerekuti zvinhu zvicharamba zvichinetsa munyika sezvo mapato anopikisa ari kutadza kuita chirwira ngwe munyaya dzematongerwo enyika.

Senzira yekutanga rwendo rwekugadzirisa zviri kunetsa munyika, mutauriri we MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, Va Obert Gutu, vanoti bato ravo riri kupinda munyika richinzwa pfungwa dzevanhu kuitira kuti bato iri rizotora danho rinobva muvanhu mukugadzirisa zviri kunetsa.

VaGutu vanotiwo bato ravo riri kushanda sehurumende iri kumirira kutora matomu chero nguva.

Ukuwo mutauriri webato rePeople’s Democratic Party, VaJacob Mafume, vanotiwo munyika mava kuda hurumende inofanotonga, transitional authority, panguva iyo vezvematongerwo enyika vanenge vachirongwa hwaro hwesarudzo.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti mapato anopikisa ari kuswera akapeta maoko achiona nekuseka zviri kuitika muZanu PF, pane kuti apindire zvine mutsindo mukugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Asi VaGutu vanoti pane kutaurirana kuri kuitika paine chinangwa chekupedza matambudziko akatarisana neveruzhinji.

VaMafume vanoti bato ravo rakazvipira kushanda nani zvake ane muonero wakafanana newebato ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG