Accessibility links

Breaking News

MDC-T neZanu PF Dzoshorwa Sezvo Dziri Kutadzira Vanhu Vakawanda Munyika


Apo gore ra2015 ravakupera, zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzematongerwo enyika sezvo mune kurwisana kana kupokana mukati memapato maviri makuru ezvematomngerwo enyika, anoti riri kutonga reZanu PF pamwe nebato guru rinopikisa munyika reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Vaoongorora zvematongerwo enyika vanoti kurwira zvigaro, pamwe nekudzingana kuri kuita muZanu PF, pamwe nekudzingana nekupatsanuka kuri kuitikawo muMDC kwasiya veruzhinji vasisina tarisiro munyaya dzematonmgerwo enyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanotiwo izvi zvaita kuti bato reZanu PF ritadze kugadzirisa nyaya dzehupfumi sezvo rave kupedza nguva richirwisana ukuwo MDC ichitadza kuita basa rayo rekuona kuti hurumende yaita basa rayo nemazvo.

MuZanu PF hamuna kumira zvakanaka zvekuti kubva pakadzingwa vaive mutevedzeri wemutungmiri webato iri, Amai Joice Mujuru, padzingwawo dzimwe nhengo dzebato iri dzakawanda kusanganisira makurukota ehurumende, nhengo dzedare reparamende nevamwe vakawanda.

Kana ivo VaMugabe pachavo vakabvuma kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato ravo zvekuti rinogona kupatsanuka.

Ukuwo muMDC, rinova bato guru munyika, uye bato range ratatarisirwa neveruzhinji kuti ringangotora masimba, rakadzingawo nhengo dzaro dzedare reparamende dzinodarika makumi matatu mushure mekupokana.

Nyanzvi dzematongerwo enyika dzinoona sekuti izvi zvasiya bato iri risina kusimba.

Vanoongorora zvematongerwo enyika zvakare vari mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vanoti izvi zvasiya vanhu muZimbabwe vasina tarisiro kubva kuhurumende yeZanu PF kana mapato anopikisa zvekutoti ndosaka vave kuenda kumachechi.

Mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisai Ruhanya, vanotiwo zviri kuitika muMDC zvinosuwisa uye zvinosiya veruzhinji vari pamhene nekuti hapana achavabatsira mukumanikidza hurumende yeZanu PF kuti iite basa nemazvo.

VaRuhanya vanoti MDC inofanira kusiya zvekutungana kwembudzi yosiyana nezvekudzingana mubato sezviri kuitwa neZanu PF.

Vanoti basa guru rebato rinopikisa kuona kuti hurumende yaita basa nemazvo uye veruzhinji vanofanira kudzamisa pfungwa dzavo pasurudzo dzinotevera.

Vaimbove gurukota rezvemari zvakare vave mutungamiriri webato rePeople's Democratic Party, uye vakadzingwa muMDC, VaTendai Biti, vanoti vana vemuZimbabawe havachina tarisiro zvekuti vave kuda hutungamiriri hutsva munyaya dzematomatongerwo enyika.

VaBiti vanoti mapato anopikisa munyika anofanira kukumbira ruregerero kubva kune veruzhinji nekuvarega vachitambura uye vanoti izvi hazviitike zvakare kana mapato anopikisa akabatana kuti abvise hurumende yeZanu PF pachigaro.

Asi vamwewo vanoongorora zvematongerow enyika uye vachishanda nesangano reZIMCET, Muzvare Gladys Hlathswayo, vanotiwo veruzhinji havafanire kumirira kubatsirwa panhamo dzavo dzemapato ezvematongerwo enyika chete.

Muzvare Hlatshwayo vanoti nguva yasvika yekuti vanhu vagadzirise remangwana ravo vega.

VaRuhanya vanoti dambudziko guru rawira nyika nderekusamira zvakanaka kwehupfumi uye izvi ndizvo zvinofanira kuti veruzhinji vachipindira panyaya dzekuti vanotungamirirwa kana kutongwa sei.

Kana vemabhizimisi vanotiwo mamiriro ezvinhu munyaya dzehupfumi ari kuvhiringa mabasa avo.

Mukuru weZimbabwe National Chamber of Commerce, VaTakunda Mugaga, vanoti kusamira zvakanaka munyaya dzehupfumi kuri kuvhiringa mabhizimisi munyika.

Asi vamwewo vanoti zvichitevera kubatana kwemasangano anopikisa anodarika gumi nematatu pasi pechirongwa cheNational Electoral Reform Agenda kunopa veruzhinji tarisiro yekuti remangwana rinogona kuunza shanduko munyika.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti mapato anopikisa munyika haana kusimba zvekukwanisa kubvisa Zanu PF pachigaro uye anokwanisa kubudirira kana akabatana musarudzo.

XS
SM
MD
LG