Accessibility links

Breaking News

VaBennett Voyambira Bato Ravo Kusapinda neMwenje Mudziva


Mubati wehomwe mu MDC-T, Va Roy Bennett, vayambira bato ravo neChishanu kuti risadyidzane ne ZANU PF pangave pai zvapo nokuti rikadaro rinenge rarasa gwara.

VaBennett vanoti kuita kwakadai kwakafanana nekupinda nemwenje mudziva.

Vachitaura vari kuSouth Africa kwavari kugara muhupoteri, VaBennett vanoti havasi kufara nedanho riri kuda kutorwa nevamwe vavo mubato rekuda kupinda muparamende nemumakanzuru vachiti vachange vachimirira vanhu vakavasarudza.

VaBennett, avo vakatorerwa mapurazi avo nehurumende yeZanu PF, vanoti chikuru chiripo ndechekuti sarudzo dzakaitwa munyika dzakabiridzirwa, nokudaro vatsigiri vose veMDC-T havafanirwe kutambira zvose zvinenge zvichitungamirwa neZANU PF.

VaBennett vanoti vakamirira kuona kuti zvinhu zvichafamba seyi mubato pachagadzwa hurumende ichange ichitungamirwa nemutungamiri we ZANU PF, VaRobert Mugabe.

VaMugabe vakaramba kutoresa VaBennett mhiko kuti vaitwe mutevedzeri wegurukota rezvekurima muhurumende yemubatanidzwa.

Mune imwewo nyaya, imwe nhengo yeMDC-T kuNyamakate mudunhu reMashonaland West, Amai Anna Hwata, vanoti vakatiza musha wavo mushure mekunge imba yavo yapiswa nevanhu vanozivikanwa kuti ndeveZanu PF.

Amai Hwata vanoti izvi zvakaitika Chipiri manheru varere. Mudzimai uyu anoti pari zvino vari muKaroi umo vakapotera.

Amai Hwata vanoti kunyange hazvo vakakwidza nyaya vavo kumapurisa papana chati chaitwa pamusoro penyaya iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


.
XS
SM
MD
LG