MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai yashora bato riri kutonga reZanu PF nehurongwa hwaro hwekuda kuumba imwe komiti inofambisa zvinhu mudhorobha re Mutare iko kune makanzura eMDC-T akawanda.
Vachitaura ne Studio 7 mu Harare neChipiri, mutauriri weMDC-T, Va Obert Gutu, vashora danho riri kuda kutorwa neZanu PF iri vachiti uku kuzvidza veruzhinji vakavhotera makanzura eMDC-T musarudzo dzegore rapera.
Gurukota rinowona nezvinoitika mudunhu reManicaland, Amai Mandi Wepi Chimene, vanonzi vakataura pamusangano wevaimbova varwiri vehondo yerusununguko wakaitirwa kwa Mutare nezuro kuti bato ravo riri kuronga kuumba komiti ichange ichiita basa riri kuitwa nemakanzura eMDC-T vachipomera kanzuru yeMutare mhosva yekusafambisa zvakanaka.
Asi Va Gutu vati bato ravo harisi kuzofa rakatambira zviri kurongwa ne Zanu PF izvi.
Va Gutu vati Zanu PF ikaenderera mberi nekuumba komiti iyi vachakwidza nyaya iyi kumatare edzimhosva.
Asi Amai Chimene vaudza Studio7 parunhare vari kwaMutare kuti MDC-T iri kutadza kubvisa marara maMutare uye vagari havasi kuwana mvura yakachena zvavanoti zvinogona kukonzera kutapuriranwa kwezvirwere.
Hatina kukwanisa kutaura nameya weMutare, Va Tatenda Nhemarare, kuti tinzwe divi rekanzuru yavo panyaya iyi.
Asi Va Gutu vaudza Studio 7 kuti zviri kutaurwa naAmai Chimene kuedza kutsvaga nzira dzekuti bato ravo riwane kutonga maMutare kunyange hazvo rakarambwa neveruzhinji pasarudzo dzemakanzuru.
Zviri kurongwa naAmai Chimene zvinhu zvakamboitwa negurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, avo vakaumba makomiti ekufambisa makanzuru anenge ari pasi peMDC.