Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzinonyimwa Zvakare Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Vatsigiri veMDC-T
Vatsigiri veMDC-T
Nhengo dzeMDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, makumi maviri nepfumbamwe dziri kupomerwa mhosva yekuponda dzanyimwa zvakare mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuti dzienderere mberi nekutongwa dzichibva kudzimba dzadzo.

Mutungamiri weboka revechidiki muMDC-T, Va Solomon Madzore, nevamwe vavo makumi maviri nevasere, avo vari kupomerwa mhosva yekuponda mupurisa, Va Petros Mutedza, mumumusha we Glen View muHarare gore rapera, vanyimwa zvakare mukana wekuti vabvise mari yechibatiso kanove keChishanu kubva pakatanga nyaya iyi.

Vachitura mutongo wavo pachikumbiro chakasvitswa kudare nevasungwa ava, mutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu, vati hapana zvitsva pane zvakasvitswa nevasungwa ava kudare muchikumbiro chavo zvinoita kuti vakwanise kupa vasungwa ava mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo.

VaBhunu vati humbowo hwakasvitswa kudare nehama dzemushakabvu, dzinoti Va Tichaona Mutedza, vanove mukoma wemufi pamwe naVa Solomon Mutedza, vanove baba vemushakabvu hwekuti vakawana mutumbi wemufi usina rurimi pamwe nenhengo dzehurume, hauna kugutsa dare sezvo hama idzi dzisina kumhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Hama dzemushakabvu idzi dzakaudza dare kuti dzinofungidzira kuti VaMutedza vakapondwa ne Zanu PF ichishanda pamwe chete nemapurisa sezvo dzichiti dzakanga dzatambira mashoko ekuti VaMutedza vakanga vagara vachida kuurayiwa nepamusana pekuti mukoma wavo, Va Tichaona Mutedza, vaive nhengo yeMDC.

VaBhunu vati kunyange hazvo izvi zvakafadza vemapepanhau avo vakazvidhinda pamwe neveruzhinji, mutemo unoti humbowo hunosvitswa kudare hunofanira kutambirika kwete zvemanzwira.

VaBhunu vati Va Tichaona Mutedza, avo vanove nhengo yeMDC, vanoshandisa magweta mamwe chete nevasungwa vakati mufakazi uyu anogona kunge akawudzwa zvekutaura nemagweta aya. Vatiwo havakwanise kupa vasungwa ava mukana wekubhadhara mari yechibatiso sezvo vachiti vakasungwa mbiradzakondo nekukwidzwa kwakaitwa nyaya yekumbonyimwa kwakaitwa vasungwa ava mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare ravo kudare repamusoro-soro reSupreme Court.

Mushure mekuturwa kwemutongo uyu naVa Bhunu, nyaya iri kupomerwa vasungwa ava yaenderera mberi nekutongwa hurumende ichishevedza mumwe mufakazi, Va Victor Matuvhuke.

Mune imwewo nyaya yaitika muHarare neChitatu, vanorarama neHIV/AIDS varatidzira pamahofisi e National AIDS Council vachiti havasi kufara nemashandisirwo ari kuitwa mari dzinobatirwa vanhu dzeAIDS levy.

Mumwe wevaratidziri ava, Va Zhuwawo Sangaroti, vati havasi kufara nemashandisirwo ari kuitwa mari dzeAIDS levy uku vanorarama nehutachiwana vachishaya ma Anti Reviral Drugs, ARVs pamwe nemamwe mapiritsi akaita sema Cotrimoxazole ne Neverapine.

Asi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa mu National AIDS Council, Va Raymond Yekeye, vati mari iyi iri kubatwa zvakanaka asi chiri kunetsa ndechekuti mari iyi vanoipihwa zvishoma nezvishoma zvinopedzisira zvaita kuti vasatenge mapiritsi nemishonga inokwanira vanhu vese vanoita.

Vanga vachiratidzira ava vati vari kudzoswa kuzvipatara zvizhinji munyika nepamusana pekushayikwa kwemapiritsi aya zvavati vava kutyira kuti zvinogona kukanganisa zvirongwa zvavo zvekunwa mapiritsi aya.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvehutano, VaHenry Madzoerera, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG