Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashoma Vanoshanyira Hama neShamwari paKisimusi


Mbare
Mbare

Pamusika weMbare panga pasina kuzara nevanhu sezvinosiitika nguva ino sezvo vanhu vakawanda vasina kushanyira hama neshamwari nepamusana pekushaya mari.

Pamusika weMbare panga pasina kuzara nevanhu sezvinosiitika nguva ino sezvo vanhu vakawanda vasina kushanyira hama neshamwari nepamusana pekushaya mari.

Mamwe mabhazi ange achidzikisa mari dzinobhadharwa nevanhu.

Ongororo yaitwa neStudio7 pamusika uyu yaratidza kuti mabhazi mazhinji ange asina vanhu uyewo ivo vemabhazi vati vanhu vange vari vashoma zvakanyanya kana zvichienzaniswa nemakaore apfuura.

Mumwe anoshanda neimwe kambani yemabhazi anotakura vanhu vanoenda kwaMutare uyo ati anonzi Tawanda ati gore rino zvinhu zvakaoma uye kwange kusina basa rakawanda.

Tawanda ati makore apfuura panguva yekisimusi vanosiwanzokwidza mari dzemabhazi asi gore rino hakuna vanhu saka mari hadzina kukwira.

Ati semuenzaniso kambani yavo iyo inobhadharisa madhora gumi nemaviri kuenda kwaMatare nhasi yange yadzikisa mari iyi kusvika pamadhora manomwe.

Kuenda kuChinhoyi kubva muHarare uko kunoita madhora mana kusvika pamadhora matanhatu kana vanhu vakawandisa kwange kuchiita madhora matatu chete.

Mumwe mukuru wekambani yemabhazi eCNG anoenda kuKariba, VaElvis Chiveto, vaudza Studio7 kuti vanhu vamboti fambei mangwanani asi masikati kwange kusisina vanhu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwewo anochaira bhazi rinoenda kuMvurwi, VaMisheck Gumbo, audza Studio7 kuti kwange kusina basa uye vange vamira pamusika kwemaawa anodarika mana vachitadza kuzadza bhazi ravo.

VaCuthbert Kawara avo vange vachienda kuKaroi vaudza Studio 7 kuti gore rino pange pasina nyonga nyonga pamusika weMbare uye vakwira bhazi zvisina mhirizhonga.

Zvichakadai mapurisa akange akwanda pamusika weMbare uye masikati mukuru wemapurisa muHarare, Senior Assistant Commissioner Shadreck Mubaiwa, nevamwe vavo vashanyira musika weMbare vachiona kuti vanhu vange vachifamba zvakanaka here.

Vachitaura vevatori venhau paMbare, mutauriri wemapurisa, Chief Superitendent Paul Nyathi, vati pane mamwe makambani ange ari kubhadharisa vanhu mari dziri kunze kwemutemo uyewo pane mamwe mabhazi ange asina zvinodiwa nemutemo.

Kunyange hazvo vazhinji vatadza kufamba nekuda kwekushaya mari pamwe nekuoma kwaita zvinhu munyika, VaNyathi vati kushaikwa kwevanhu vange vachifamba ingangove nyaya yekuti vakateerera chikumbiro chemapurisa chekuti vafambe mazuva ezororo asati asvika.

Makambani akawanda pamwe nehurumende vakatadza kubhadhara vashandi mari dzavo dzimihoro pamwe nemabhonasi izvo zvichaita kuti vanhu vatambe kisimusi vasina chekubata.

XS
SM
MD
LG