Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inotambira Kumiswa kwaMeya weMutare Kuva Nhengo yeBato Iri


National Executive yeMDC-T inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yatsigira danho rakatorwa nehutungamiri hwayo muManicaland rekumbomisa zviri pamutemo vachangosarudzwa kuva meya weguta reMutare, VaTatenda Nhamarare, nemamwe makanzura matatu kuva nhengo dzebato.

Vana ava vari kupomerwa mhosva yekuzvidza bato.

Makanzura ambomiswa pamwe nameya weMutare anosanganisira VaFarai Bhiza, Amai Pamela Mutari, uye VaRichard Mupfura.

Mutsamba yavakanyora kuvana ava iyo iri mumaoko eStudio 7, munyori mukuru webato reMDC-T, VaTendai Biti, vanoti vana ava vari kupomerwa mhosva yekuzvidza bato.

Tsamba iyi yakanyorwa musi wa 30 Gunyana uye iri kupomera VaNhemarare nemakanzura matatu aya mhosva yekuramba kuterera kurudziro yebato yekuti vasapinde musarudzo dzameya.

Bato rainge rati kanzura Thomas Nyamupanedengu ndivo vaizomirira bato vachitevedzerwa nakanzura Kudakwashe Chisango.

VaNhamarare vari kupomerwa imwe mhosva yekuisa chinyorwa mumapepanhau vachikorokotedza kukunda kwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, musarudzo dzemusi wa-31 Chikunguru.

Asi bato reMDC-T rinoti VaMugabe vakabirira sarudzo idzi uye havasi kudzitambira.

VaBiti vanoti vana ava vanofanirwa kuvapindure mushure memazuva maviri uye kuti vazoende kuHarare kuti nyaya iyi iongororwe navana mutongi gava nemusi weMuvhuro svondo rinouya.

VaNhamarare vanoti havasati vaona tsamba yaVaBiti uye havasi kutaura nevatori venhau kudzamara vaona zvavari kupomerwa.

Vana ava vanotarisirwa kupa divi ravo pamhosva yavari kupomerwa sezvinodiwa nebumbiro reMDC.

Makanzura matatu ari kupomerwawo mhosva yekuzvidza bato vachinzi vakabatana nevekuZanu-PF ndokusarudza mutevedzeri wameya, VaCollin Mkwada, vebato iri pachinzvimbo chakanzura Chisango veMDC-T.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaBiti kuti vatipe zvizere pamusoro penyaya iyi.

Asi mutauriri weMDC-T mudunhu reManicaland, VaPishai Muchauraya, vatsinhira kunyorwa kwetsamba idzi vachiti vakuru veNational Executive vainge vatsinhira zvainge zvasungwa nehutungamiri hwedunhu ravo.

Vaimbove kanzura muguta reMutare, uye vari nhengo yeCentral Comittee yeZanu-PF, VaIsau Mupfumi, vanoti kuita kwakadai kunopa kuti gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo, vazopindire sezvo makakatanwa emuMDC-T ave kudzorera guta kumashure.

Masvondo maviri apfuura makanzura aya akapona nepaburi retsono apo vaida kurohwa nevatsigiri vebato ravo vachinzi vatengesi.

Vakazopona nekuperekedzwa nemapurisa kubva pamuzinda weMDC-T mumusha weDarlington.

Kunyange MDC-T ikadzinga vana ava basa, vanokwanisa kuramba vari pabasa uye VaChombo vakatoti vanovatambira. Izvi ndizvo zvakaitwa naVaChombo kuna meya wekuChitungwiza ainge adzingwa nebato reMDC-T muna 2009.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG