WASHINGTON —
Munyori mukuru mubato rinopikisa reNational People’s Party kana kuti NPP rinotungamirwa naAmai Joyce Mujuru, VaGift Nyandoro vari kushora zvikuru rwendo rwemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa rwekuenda kuChina vachiti hakuna chavari kubura.
Asi bato reZanu-PF rinoti VaMnangagwa vanyorerana zvibvumirano zvakawanda zvichavandudza nyaya dzezvehupfumi.
Asi VaNyandoro vanoti VaMnangawa vari kungodzoka nenhaka izere mhepo sezvo zvavari kuita zvakangofana nezvaiitwa nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vaienda kuChina pasina chouviri chakabuda.
Facebook Forum