Accessibility links

Zesa Yoda Kuwedzera Mutengo weMagetsi Kuti Ibhadhare Zvikwereti kuESKOM

  • Blessing Zulu

Kambani yeZesa nemusi weChipiri yatanga kusangana nevamwe vemabhizimisi nechinangwa chekuda kutsvaga nzira dzekuwedzera mutengo wemagetsi munyika.

Misangano iyi yakatanga muHarare ichitungamirwa nemunyori mubazi rezvemhando dzemoto VaPartson Mbiriri.

Ko chii chaizvo chiri kupa kuti Zesa iti yave kuda kuwedzera mutengo wemagetsi iho hupfumi hwenyika husina kumira zvakanaka ?

Vakuru vakuru mubazi rehurumende vati kuti nyika isadzimirwe magetsi neESKOM yekuSouth Africa, Zesa yave kufanira kubhadhara mari inosvika mamiriyoni gumi emadhora pamwedzi kubhadhara chikwereti chinosvika mamiriyoni makumi masere emadhora.

Pamusoro pekubhadhara chikwereti ichi, Zimbabwe inenge ichidawo kubhadhara imwe mari pamwedzi kutenga magetsi.

Gurukota rinoona nezvemhando dzemoto, VaSamuel Undenge, uye sachigaro webhodhi reZesa Holdings, VaHerbert Murerwa, vanotiwo mutengo wemagetsi unofanira kuwedzerwa kuti nyika isaite dambudziko remagetsi ayo atotanga kudzimwa dzimwa kune dzimwe nzvimbo.

Mashoko aya atsinhirwa nemutauriri weZesa, VaFullard Gwasira.

Zesa iri kuda kuti magetsi awedzerwe kubva pamasendi mapfumbamwe kana kuti 9.86 cents pakilowatt kusvika pa14, 69 cents.

Asi VaGwasira vanoti Zimbabwe Energy Regulatory Authority ichiri kuongorora nyaya iyi.

VaMudenge vakaudza dare reparamende kuti nyika iri kushaya magetsi nenyaya yekuti vanhu vari kuatenga nemutengo wakaderera zvopa kuti Zesa itadze kudhadhara zvikwereti kuESKOM uye kuCabora Bassa yekuMozambique.

Vakatiwo gwenya remagetsi raderera kubva pa750 megawatts kusvika pa385 megawatts pari zvino.

Asi mutevedzeri wemutungamiri weEmcoz, VaCallisto Jokonya, vanoti kuwedzera magetsi hakuna zvakunobatsira nekuti agara achidhura kudarika nyika dzose dzemuSADC.

VaJokonya vati pane zvimwe zvinoda kuitwa magetsi asati awedzerwa mutengo.

Vatiwo kuwedzera mutengo wemagetsi kuchapa kuti makambani akawanda avharwe.

Asi vamwe vanoti nyaya yehuori iri kukanganisawo nyaya yekuti magwenya emagetsi awedzerwe munyika.

Vamwe vanopa semuenzaniso kupihwa basa kwekambani yaVaWicknell Chivayo basa rekugadzira magwenya emagetsi ku Harare Power Station, Munyati Power uye yezuva yeGairezi kuGwanda.

Rimwe basa riri kunzi harisi kufamba zvakanaka nderegwenya remagetsi redhiziri reDema Diesel Power Plant rakapihwa kukambani yeSakunda inonzi ine hama yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, VaDerick Chikore mukoma waVaSimba Chikore uyo akaroora mwana waVaMugabe, Bona.

Hatina kukwanisa kubata veSakunda asi VaChivhayo vati tititumire mubvunzo vati mabasa ekugadzira magwenya anotora nguva yakareba kwete kuti pane paitwa zvehuori.

Patabvubza VaGwasira nezvemashoko ekuti Zesa inoita zvehuori pakupa vanhu mabasa, vati havakwanise kukumira iripo.

Asi vaimbova gurukota rezvemhando dzemoto, VaElias Mudzuri veMDC-T, vati nyaya yehuori iri kukanganisa mabasa eZesa.

Vamwe vanotiwo chiri kupa kuti zvinhu zvinetse inyaya yekuti makurukota ehurumende dzimwe nguva kana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, havasi kubhadhara magetsi.

VaMudzuri vati ichi ichokwadi.

Asi VaGwasira vati Zimbabwe nedzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica vari mubishi kusimudzira magwenya kuti magetsi asanetse mune remangwana.

Asi VaMudzuri vati hurumende haina chairi kuita kugadzirisa matambudziko emagetsi.

Makambani ehurumende nevanhuwo zvavo vanonzi vane chikwereti chinosvika bhiriyoni imwe chete remadhora kukambani yeZesa.

Hurumende nemakambani ayo vanonzi vane chikwereti kuZesa chinodarika zviuru mazana matanhatu zvemadhora.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG