Accessibility links

Breaking News

VaBhasikiti Vanoti VaMugabe Mbune Ndivo Vakatuma Mauto kuti Avatsvagire Rutsigiro muna 2008


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Vaimbova gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo VaKudakwashe Bhasikiti vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe mbune ndivo vakatuma mauto kuti aende kumatunhu ose enyika kuno vatsvagira rutsigiro musarudzo dzemuna 2008.

VaBhasikiti, avo vaiva mumiriri weMwenezi East vakadzingwa muZanu-PF gore rapera vachipomerwa mhosva yekutsigira vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru. Amai Mujuru neVaBhasikiti vave nhengo dzebato rinopikisa reZimbabwe People First.

Sarudzo idzi dzakaita mhirizhonga inotyisa uye bato reMDC-T rinoti vatsigiri varo vanopfuura zana nemakumi mashanu vakapondwa, vakawanda vakapisirwa misha, vamwe vachienda muhupoteri.

Sarudzo dzechipiri dzemutungamiri wenyika idzi hadzina kuzoitwa mushure mekunge VaMorgan Tsvangirai vati nyika yainge yaberekera ingwe.

VaBhasikiti vanoti parizvino havakwanise kubuditsa mazita emauto aya kunyangwe hazvo vainawo.

Nyaya Ina VaKudakwashe Bhasikiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rakamboburitsa mazita emauto anonzi ainge aendeswa kumatunhu muna 2008.

Mazita acho ndeanotevera:

Harare Metropolitan Province - AVM Michael Karakadzai. Bulawayo - Province Col. C. Sibanda Bulawayo Central - Maj. J. Ndlovu and Maj. J. Ncube Manicaland and Mutare South - Brig. Tarumbwa

Buhera Central - Col. M. Mzilikazi (MID) Buhera North - Maj. L. M. Svosve Buhera South - Maj. D Muchena Buhera West - Lt. Col. Kamonge, Major Nhachi Chimanimani East - Lt. Col Murecherwa Chimanimani West - Maj. Mabvuu Headlands - Col. Mutsvunguma Makoni North - Maj. V. Chisuko Makoni South - Wing Commander Mandeya Mutare Central - Lt. Col. Tsodzai, Lt. Col. Sedze, Mandi Chimene Mutare West - Lt. Col. B. Kashiri Mutare North - Lt. Col. Chizengwe, Lt. Col. Mazaiwana Mashonaland Central - Brig.Gen. Shungu Bindura South - Col. Chipwere Bindura North - Lt. Col. Parwada Muzarabani North - Lt. Col. Kazaza Muzarabani South - Maj. H. Maziri Rushinga - Col. F Mhonda, Lt. Col. Betheuni Shamva North - Lt. Col. Dzuda Shamva South - Makumire Midlands - AVM Muchena, Brig. Gen. S. B. Moyo, Lt Col. Kuhuni Chirumanzu South - Maj T. Tsvangirai Mberengwa East - Col. B. Mavire Mberengwa West - Maj. T. Marufu Matebeleland South - AVM Abu Basutu Beitbridge East - Group Cpt. Mayera, Rtd. Maj. Mbedzi, Lt. Col. B. Moyo Gwanda South - Maj. J. D. Moyo Gwanda Central - Maj. B. Tshuma Matopo North - Lt. Col. Maphosa Matebeleland North - Brig. Gen. Khumalo Binga North - Maj. E. S. Matonga Lupane East - Lt. Col. Mkwananzi Lupane West - Lt. Col. Mabhena Tsholotsho - Lt. Col. Mlalazi Hwange Central - Lt. Col. P. Ndhlovu Masvingo Province - Maj. Gen. E. A. Rugeje Rtd. Maj. Gen. Gibson Mashingaidze, Rtd. Brig. General Rangwani Bikita West - Maj. B. R. Murwira Chiredzi Central - Col. G. Mashava Chiredzi West - Maj. E. Gono Gutu South - Maj. Chimedza (Medical Doctor), AVM Muchena Masvingo - Lt. Col. Takavingofa Mwenezi West - Lt. Col. Muchono Zaka East - Maj. R. Kwenda Mash West Province - Brig. Gen. Sigauke Chinhoyi – Col Gwekwerere Chegutu East - Lt. Colonel W. Tutisa Hurungwe East - Lt. Col. B. Mahambe Mhondoro Mubaira - Col. C. T. Gurira Zvimba North - Cpt. T. Majongwe Mashonaland East - Brig. Gen. D. Nyikayaramba, Rtd Brig Gen Rungani Chikomba Central - Lt. Col. Marara Goromonzi North - Lt. Col. Mudzimba, Maj. F. Mbewe Marondera Central - Maj. Gen. Chedondo COSG), Lt. Col. B. Kashiri Marondera West - Squadron Leader U. Chitauro Murehwa South - Maj. Gurure Murehwa North - Lt. Col. Mukurazhizha, Lt. Col. Chinete

XS
SM
MD
LG