Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yovimbisa IMF Kudzikisa Bhajeti reVashandi veHurumende


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vavimbisa sangano rinokweretesa mari pasi rose, re International Monetary Fund, IMF, kuti Zimbabwe ichange yadzikisa mari yebhajeti inobhadharwa vashandi kubva pazvikamu makumi masere nemaviri kubva muzana, kusvika pazvikamu makumi mashanu nezviviri kubva muzana panosvika gore ra 2019.

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vavimbisa sangano rinokweretesa mari pasi rose, re International Monetary Fund, IMF, kuti Zimbabwe ichange yadzikisa mari yebhajeti inobhadharwa vashandi kubva pazvikamu makumi masere nezviviri kubva muzana, kusvika pazvikamu makumi mashanu nezviviri kubva muzana panosvika gore ra 2019.

VaChinamasa vange vachitaura muHarare nemusi weChitatu vaine vakuru vechikwata cheIMF chiri munyika kubva musi wa 24 Kukadzi kusvika musi wa 11 Kurume.

Vari kutungamira chikwata ichi, VaDomenico Fanizza, vaudzawo vatori venhau kuti Zimbabwe yakwanisa kuzadzikisa zvimwe zvayakazvitarira kuti inoda kuita mukugadzirisa hupfumi.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, kana iyo IMF yacho, vanotenderana kuti zvimwe zvakavimbiswa neZimbabwe zvekuti ichabhadhara mitero yakaiswa pazvikwereti zvinosvika bhiriyoni imwe chete nemazana masere emamiriyoni emadhora muna Kubvumbi kunyika nemabhanga ekunze, zvichanetsa kuzadzisa.

Kutadza kubhadhara zvikwereti ndiko kwapa kuti Zimbabwe isakwereteswa mari neIMF ne World Bank.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe uye vari chipangamazano chehuruemnde, Doctor Gift Mugano, vanoti zvekudzikisa mari inobhadharwa vashandi vehurumende chete hazvina zvazvinobatsira kana hupfumi hwenyika husiri kufamba zvakanaka.

XS
SM
MD
LG