Accessibility links

Breaking News

Vakarwa Hondo yeRusununguko Voburutsira VaTshinga Dube Makano


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Zvinhu zvaramba zvakaita manyama amire nerongo muZanu-PF. Pave kuita kukandirana zvekare makobvu nematete pakati pesangano revakarwa hondo reZimbabwe National Liberation War Veteran’s Association negurukota itsva revakarwa hondo, VaTshinga Dube.

Zvinhu zvaramba zvakaita manyama amire nerongo muZanu-PF.

Pave kuita kukandirana zvekare makobvu nematete pakati pesangano revakarwa hondo, reZimbabwe National Liberation War Veteran’s Association, negurukota idzva revakarwa hondo, VaTshinga Dube.

VaDube vakatora mhiko kuve gurukota idzva neMugovera vachitora chigaro chaVaChris Mutsvangwa avo vakadzingwa basa mushure mekumbomiswa kuve nhengo yeZanu-PF kwemakore matatu.

Kunyange hazvo VaDube vaive pamusangano nevatori venhau wakapawo kuti VaMutsvangwa vanyanye kupinda muna taisireva vachinzi vaituka Amai Grace Mugabe, VaDube vave kuti vakarwa hondo vanofanira kutsvaga sachigaro mutsva anotsiva VaMutsvangwa nekuti havakwanise kushanda nemunhu akadzingwa musangano rePolitburo yeZanu-PF.

Vachitaura nebepanhau reChronicle, VaDube vanotiwo musangano wainge warongwa naVaMutsvangwa kuti VaMugabe vasangane nevakarwa hondo ava kuti vataure nhuna dzawo, unogona kusabudirira kana VaMutsvangwa vari panyanga.

VaMutsvangwa vari kupomerwa mhosva yekutsigira chikwata cheZanu-PF chinonzi Team Lacoste icho chinonzi chiri kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vazotungamira kana vamugabe vasiya basa.

Chikwata ichi chiri kunetsana nechinzonzi Generation 40 icho chine rutsigiro rwakasimba rwaamai Grace Mugabe.

Asi munyori mukuru wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaVictor Matemadanda, vanoti VaDube havana simba rekutaura kwavasina kuswera nekuti sangano reZNLWA rakazvimirira hariudzwe zvekuita nemakurukota ehurumende.

Hurukuro naVaVictor Matemadanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG