Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTeodoro Obiang Nguema Mbasogo Voramba Vakabatana


Mutungamiri weEquatorial Guinea VaTeodoro Obiang Nguema Mbasogo
Mutungamiri weEquatorial Guinea VaTeodoro Obiang Nguema Mbasogo

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri we Equatorial Guinea, VaTeodoro Obiang Nguema Mbasogo, vave nehushamwari hwebhande nebhurugwa.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri we Equatorial Guinea, VaTeodoro Obiang Nguema Mbasogo, vave nehushamwari hwebhande nebhurugwa.

Svondo rapera VaNguema vange vari muZimbabwe sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga. Izvi vave kuzviita gore roga roga kubva muna 2006.

Hukama pakati peZimbabwe neEquatorial Guinea hwakasimbiswa muna 2004 mushure mekunge Zimbabwe yasunga vamwe varume vaiita zvechiuto zvekupfurikidza mwero kana kuti "mercinaries" avo vaitungamirwa naVaSimon Mann, chizvarwa chekuBritain.

VaMann nevamwe vavo vakapfuura nepanhandare yeHarare mushure mekunge vateyerwa musungo nevasori vemuchiuto muZimbabwe vachinyeperwa kuti vaida kutengeserwa pfuti kubva kukambani yehurumende yeZimbabwe Defense Industries.

Vanhu ava vanonzi vaida kuti kana vapidigura hurumende vosiira matomu mutungamiri webato rinopikisa, VaSevere Moto. VaMoto vari muhupoteri kuSpain.

Nyanzvi munyaya dzezvechiuto, Doctor Martin Rupiya, vanoti chiitiko ichi ndiwo mudzi wehushamwari hweZimbabwe neEquatorial Guinea.

VaNguema mbune vakatendawo izvi muna 2006 pavakashanyira Zimbabwe vachiti hukama hwavo hwainge hwasungwa nehutare pavakabatsirwa neZimbabwe kudzivirira kupidugurwa kwehurumende yavo nechisimba.

Asi mukuru wesangano reJustice for Equatorial Guinea riri muWashington DC, VaTutu Alicante, vanoti hukama hwevarume vaviri ava ndewe vanhu vanoda kufira pazvigaro chete.

VaNguema vakatanga kutungamira nyika iyi muna 1979, ukuwo VaMugabe vachipindawo panyanga muna 1980.

Mutauriri webato rinopikisa reMDC-T, VaObert Gutu, vanotiwo hukama hwevaviri ava haunzwisisike nekuti ndehwemuchivande

Pakati pa2006 na 2007, VaNguema vakabatsira Zimbabwe nechikwereti chekutenga mafuta ekufambisa dzimotokari chemari inosvika mazana maviri nemakumi maviri emamiriyoni emadhora.

Chikwereti ichi chiri pachikwereti chinosvika bhiriyoni imwe chete nemazana matatu emamiriyoni emadhora change chiri kuReserve Bank of Zimbabwe chisati chatorwa nehurumende.

Mukuratidza kusimba kwehukama hwenyika mbiri idzi, muna Ndira 2014, Equatorial Guinea yakakumbira mauto nemapurisa eZimbabwe kuti abatsire mukuchengetedza runyararo munyika iyi paitambwa makwikwi enhabvu eAfrican Cup Nations.

Gore parera zvekare Zimbabwe yakatumira nyanzvi munyaya dzezvechiuto kubva kumauto epasi nemuchadenga kunobatsira kudzidzisa mauto ekuEquatorial Guinea nyaya dzechiuto.

Izvi Doctor Rupiya vanoti zvinobatsira nyika mbiri idzi.

Asi kunyange vaviri ava vaine hukama hwakasimba, dzimwe nyanzvi munyaya dzezvekurwira kodzero dzevanhu dzinoti varume ava vanotyora kodzero dzevanhu zvine nhoroondo.

Mashoko aya anotsinhirwawo nechipangamazano musangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga.

Vanopikisa muEquatorial Guinea vanotiwo VaNguema nemhuri yavo vane nhoroondo yekudya norivha mari yenyika iyo inobva mukutengeswa kwemafuta edzimotokari, asi vanhuwo zvavo vachinonga svosve nemuromo.

VaMugabe naVaNguema vanomboyedzawo kuzvichenura nekushandisa makambani emuAmerica anoita zvekushambadzira vachiedza kuzvichenura asi kazhinji kunenge kuri kuteya nzou neriva.

VaMugabe vakazviyedza nevamwe varume vekuChicago avo vakapinzwa muchizarira nehurumende yaVaBarack Obama vachinzi vainge vatyora mitemo yeAmerica.

America neFrance mumakore apfuura dzange dziri mubishiwo kutsvaga mari dzinopfuura mamiriyoni mazana maviri emadhora kubva kuEquatorial Guinea dzinonzi dzainge dzavigwa nemhuri yaVaNguema kunyika dzakaita seAmerica, France neSpain.

VaNguema vakasarudzawo dangwe ravo, VaTeodorin Nguem Obiang Mangue, kuti vave mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Izvi VaMavhinga vanoti matsimba ari kuteverwa naVaMugabe avo vosebedza mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, pedyo nemasimba.

Imwe nyaya inonzi inobatanidza nyika mbiri idzi inhamo yevanhuwo zvavo.

Vamwe vanoti VaMugabe nevamwe vashoma ndivo vakanunira miromo nekudya rivha renyika asi vanhu munyika vachirara nenzara.

VaTutu vanoti hukama hwevaviri ava hunongobatsira ivo voga kwete vanhuwo zvavo.

Asi sachigaro weZanu-PF kuBritain, VaNick Mangawana, vanoti vaviri ava vanovengerwa kuti vanorwisa vasveta simba vanenge vachida kubira Africa hupfumi hwayo.

VaMangwana vanoti hukama hwevaviri ava huri kubatsira nyika dzavo zvakanyanya munyaya dzebudiriro.

VaMugabe naVaNguema vanotiwo hukama hwavo huri kusimbiswa nekuti vari kuda kuti United Nations ivandudzwe kuitira kuti nyika dzemuAfrica dzive nechigaro mudare rakakosha reSecutity Council.

Vamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika nekudyidzana nedzimwe nyika vanotiwo nyaya yehumbimbindoga nekutonga nedemo ndiyo yaita kuti Equatorial Guinea neZimbabwe dziite sedzakageza negoka munyama mumaonero evakawanda pasi rose.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG