Accessibility links

Breaking News

Vatyairi Vokandwa Muchitokisi kuMasvingo Zvichitevera Kutadza Kwavo Kubhadhara Faindi


Masvingo residents
Masvingo residents

Ukuwo motokari dzavo dzinodarika mazana maviri dzakatorwa nemapurisa mushure mekunge vatadza kubhadhara faindi itsva yezana remadhora vachipomerwa mhosva dzekutyora mitemo yemumigwagwa yakasiyana siyana.

Vatyairi vedzimotorakari vanopfuura zana vakasungwa neChitatu vakarara muchitokisi chemapurisa pakamba yeChikato kuMasvingo.

Ukuwo motokari dzavo dzinodarika mazana maviri dzakatorwa nemapurisa mushure mekunge vatadza kubhadhara faindi itsva yezana remadhora vachipomerwa mhosva dzekutyora mitemo yemumigwagwa yakasiyana siyana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe varidzi vedzimotokari idzi vanoti vaibatwa nemhosva nhatu nhatu izvo zvaita kuti mapurisa avaudze kuti vabhdhare mari inosvika mazana matatu emadhora.

Izvi zvakagumbura vana muzvina motokari vari kuti mari iyi yakwandisa uye mapurisa ari kuvadzvinyirira.

Mumwe mugari wekuMucheke, VaTatenda Moyo, vanoti vakabatwa nemhosva yekufamba vasina chidzimiso chemoto mumotokari vakanzi vabhadhare zana remadhora iro ravakatadza kuwana sezvo mari ichinetsa kuwana muna Ndira.

"Mapurisa ari kutibatirira zvakaoma. Handingabhadhari zana rechidzimiso chemoto chete. Zvimwe zvese zvakakwana pamotokari yangu. Mutero uripo mota ine zvese zvinodiwa asi chidzimiso chemoto chakandisungisa ndikagara muchitokisi kwemaawa matatu. Izvi hazvina kunaka izvi," vanodaro VaMoyo.

Mumwewo muchairi aramba kudomwa nezita rake anoti zviri kuitika izvi zviri kushungurudza vatyairi vemotokari sezvo hupenyu hwakaoma uye kupatsanura zana remadhora chinhu chakaoma chinosiya mhuri dzavo dzisina chekubata.

Mumwe mugari wemuMasvingo, Muzvare Tsitsi Makamure, vanoti motokari yavo ichanetsa kutora sezvo vari mwana wechikoro uye vabereki vavo vashandi vehurumende vanotambira mari shoma.

"Ndakatorerwa mota nezuro ndandisana triangle, fire extinguisher apa ndiri mwana wechikorpo uye mabereki vangu vansoshandira hurumende hameno kuti ndichaiwan kuti mari yekutora mota iyi," vadaro Muzvare Makamure.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nevasungwa vari muchitokisi, kanawo magweta ari kuvamirira kuti tinzwe kuti zvinhu zvava papi mukupera kwezuva.

As mutauriri weMapurisa muMasvingo, Inspector Charity Mazula, vaudza vatori venhau kuti ichokwadi kuti pane vatyairi vakasungwa uye motokari dzikatorwa. Asi vati vanga vasati vava nehuwandu hwemota nevanhu vakasungwa ava.

Asi sachigaro wekomiti yaparamende inoona nezvemukati menyika, Amai Lilian Timevous, vashoropodza zviri kuitwa nemapurisa vachiti hazvisi pamutemo sezvo paramende isina kutendera kuti mafaindi aya akwidzwe zviri pamutemo.

Amai Timevous vanoti mapurisa anofanira kurega kusunga vatyairi nekuvabhadharisa mari iyi nekuti hapasati pave nemutemo unovabvumidza kuita zvakadai.

Vati komiti yavo ichasvitsa nyaya iyi mudare reparamende parinovhurwa kuitira kuti igadziriswe.

Zviri kuitika kuMasvingo zviri kuitikawo mumamwe maguta umo mapurisa nemakanzuru vari kunzi vakawedzera mari dzine chekuita nedzimotokari nemirawo yemumigwagwa zvisiri pamutemo.

XS
SM
MD
LG