Bato reMDC Alliance nhasi rakurudzira sangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica, reSouthern African Development Community, kana kuti SADC, kuti rive mutongigava pagakava riri munyika zvichitevera kurudziro yesangano iri yekuti paitwe nhaurirano munyika.
Vachitaura nevatori venhau muHarare nhasi, mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC Alliance, Muzvinafundo Welshman Ncube, vati chiri kukonzera kuti zvirango zvirambe zviripo inyaya yekuti munyika hamusi kutevedzerwa mutemo uye kodzero dzevanhu dziri kuramba dzichityorwa.
VaNcube vati chiri kudiwa muZimbabwe kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika kuburikidza nenhaurirano dzechokwadi kwete kutaurirana kuri kuitwa pasi pegungano rePolitical Actors Dialogue kwavanoti hakuna chakunobatsira sezvo mamwe mapato ari muPOLAD asina kuvhoterwa nevanhu vakawanda musarudzo dzakaitwa muna 2018.
Mashoko aVaNcube anotevera gwaro reSADC rakaburitsa nezuro richikurudzira kuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumavirira zvibviswe uye kuti muZimbabwe muitwe nhaurirano.
VaNcube vakurudzirawo kuti veruzhinji vapihwe rusununguko nehurumende kuburikidza nekuchengetedzwa kwekodzero dzavo izvo zvatsinhirwa nemunyori anoona nezvinoitika kunze kwenyika muMDC Alliance, Muzvare Gladys Hlatywayo avo vati bato ravo riri kutambira kurudziro yenhaurirano yaitwa neSADC iyi.
Muzvare Hlatywayo vatiwo chave kudikanwa ndechekuti sangano reSADC richive mutongigava riri pakati paVaNelson Chamisa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuitira kuti nyika iwane kufambira mberi pachiitwa gadziriro yesarudzo dzemuna 2023.
Asi vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaMike Bimha, vati nyaya yezvirango hainei nenhaurirano.
VaMnangagwa vakamboti havasi kuzoita dzimwe nhaurirano dziri kunze kwePolad. VaBimha vatshinhirawo mashoko aVaMnangagwa aya vachiti kana MDC Alliance yazofunga kuti inoda zvenhaurirano, ichauya zvayo kuPolad.
Nekune rumwe rutivi, MDCT inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora inoti iri pakati pekubvunza nhengo dzayo kuti yotora gwara ripi panyaya yenhaurirano.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati zvaitwa neMDC Alliance zvekukurudzira SADC kuti ipindire muZimbabwe chinhu chakanaka chose nekuti muZimbabwe matove nemhirizhonga pamberi pesarudzo dza 2023.
South Africa yakambove mutongigava pagakava raivepo pakati pevaimbova mutungamiri wenyika mushakabvu VaRobert Mugabe pamwe nemutungamiri weMDC panguva iyi, VaMorgan Tsvangirai, zvakazoita kuti munyika muumbwe hurumende yemubatanidzwa muna 2009 zvichitevera kusafamba zvakanaka kwesarudzo dzemuna 2008.
Musangano waitwa naVaNcube nevatori venhau usati watanga nhengo shomanana dzeZanu PF dzamboratidzira kwekanguva kadikidiki pamahofisi aVaTendai Biti paitirwa musangano uyu asi dzakurumidza kudzingwa nemapurisa.
Facebook Forum