Accessibility links

Breaking News

Kodzero Dzakatyorwa Zvakanyanyisa Muna 2015


Occupy Africa Leaders Itai Dzamara (left) and Tichaona Danho (right) detained by police
Occupy Africa Leaders Itai Dzamara (left) and Tichaona Danho (right) detained by police

Vanorwira kodzero dzevanhu munyika vanoti gore rino kodzero dzevanhu dzakatyorwa zvakanyanyisa vachiti zvinosuwisa kuti gore rava kutopera murwiri wekodzero akapambwa mwedzi mipfumbamwe yapfuura, VaItai Dzamara, vasati vawanikwa kwavari.

Apo gore rino rave kusvika kumagumo kwaro, vanorwira kodzero dzevanhu muZimbabwe vanoti hurumende yeZanu PF haisi kuratidza chido chekuremekedza kodzero dzeruzhinji.

Vanorwira kodzero dzevanhu munyika vanoti gore rino kodzero dzevanhu dzakatyorwa zvakanyanyisa vachiti zvinosuwisa kuti gore rava kutopera murwiri wekodzero akapambwa mwedzi mipfumbamwe yapfuura, VaItai Dzamara, vasati vawanikwa kwavari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Varwiri vekodzero ava vanotiwo vanoshushikana zvakare nekutsakatika kwaVa Karimboni Nyemba vekuChiredzi. VaNyemba inhengo yeZanu PF.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rese reAmnesty International muZimbabwe, VaCousin Zilala, vanoti zvinonyadzisa kuti kunyange hazvo muZimbabwe mune bumbiro remitemo rakanakisisa, kutyorwa kwekodzero kuri kuenderera mberi muZimbabwe.

Mumiriri weHarare Westmudare reParamende, uye vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Muzvare Jessie Majome, vanotiwo bumbiro remitemo harisikushandiswa zvakarurama.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti vakafara zvikuru pakatambirwa bumbiro idzva muna 2013 vachifunga kuti kutyorwa kwekodzero kwaizodzikira, asi izvi handizvo zviri kuitika munyika.

Mukuru wemubatanidzwa wemasangano anorwira kodzero dzevanhu munyika, reZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaLloyd Kuveya, vanoti vanoshoropodzawo zvikuru kutyorwa kwekodzero zvakanyanya mugore ra2015. VaKuveya vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanirwa kurwira kodzero dzazvo nekuti kodzero idzi dziri mubumbiro remitemo yenyika.

VaMafunda vanoti hurumende inofanirwa kuchinja maitiro ayo, nyika yopinda mugore idzva paine tarisiro yeremangana rakanaka munyaya dzekodzero.

Apo mhuri dzekwaDzamara nedzekwa Nyemba nedzimwe dziri kupedza gore dziine misodzi pamatama zvichitevera kutsakatika kwehama dzavo, vakawanda munyika vanoti yasvika nguva yekuti chizvarwa chose cheZimbabwe chisunge dzisimbe muhondo yekurwira kodzero dzemunhu wese, sezvo kodzero idzi dzakachengetedzwa nebumbiro remitemo yenyika.

XS
SM
MD
LG