Vana muzvinabhizinesi vechidzimai makumi maviri vemuZimbabwe vari kutarisirwa kusimuka munyika neMugovera vakananga ku Netherlands uko vachaita misangano yekutsvaga kudyidzana nemakambani ari munyika iyi.
Madzimai aya achange ari munyika iyi kwevhiki rese uye chirongwa ichi chirikutsigirwa nemuzinda weNetherlands muZimbabwe wakabatana neZimtrade.
Muzvare Rebecca Mahlunge ndivo vanoona nezvegwara kana kuti Policy Officer pamuzinda we Netherlands muHarare.
"Tiri kufadzwa nechirongwa ichi chekutumira madzimai ebhizinesi kuNetherlands sezvo chichabatsira kusimudzira nyaya dzimabhizinesi munyika nyanya kumadzimai ayo agara akasarira kumashure panyaya dzemabhizinesi,"Muzvare Mahlunge vaudza Studio7.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti misangano yakadai yakakosha kumutsiridza hupfumi hwenyika uho hwaenda kumawere.