Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobatana neDzimwe Nyika Mukucherechedza Zuva reVanhukadzi Pasi Rose


Vanhukadzi nevanhurume vabatana zvinodadisa muHarare vakafora makiromita mashanu vachicherechedza zuva revanhukadzi pasi rose.

Zimbabwe yabatana nepasi rose mukupemberera zuva remadzimai pasi rose, International Women’s Day.

Hurongwa uhu hwaitwa pasi pedingindira rakanangana nekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.

Vanhukadzi nevanhurume vabatana zvinodadisa muHarare vakafora makiromita mashanu vachicherechedza zuva revanhukadzi pasi rose.

Kufora uku kwaitwa semucherechedzo kuhurumende kuti inofanirwa kupa masimba kuvanhukadzi kwete kuti zvingove zvepamuromo chete

Mukuru wesangano rakazvimirira reAIDS and Arts Foundation Zimbabwe, VaEmmanuel Gasa, vati kunyange hazvo vari munhurume, shuviro yavo ndeyekuti kusimudzirwa kwevanhukadzi kuchitanga kuonekwa.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, sachigaro wekomisheni yakazvimirira yekuenzaniswa kwemikana (gender commission), Muzvare Margaret Mukahanana Sangarwe, vati hondo yekuenzaniswa kwemikana inobudirira chete kana izvi zvikatangira mudzimba.

Muzvare Mukahanana Sangarwe vati vafadzwawo nekutsigirwa nevanhurume mukurwira mikana yemadzimai.

Izvi zvatsigirwawo nenhengo yeWomen in Management, Business and DevelopmentTrust, Dr Nyepudzai Nyangulu.

Mukuru weWomen's Trust, rimwe remasangano muZimbabwe anorwira kusimudzira vanhukadzi, Muzvare Luta Shaba, vati vanofadzwa zvikuru kuti sangano reUnited Nations rakatara nguva yekuti nyika dzese dzinge dzichizadzisa chiga chekusimudzirwa kwevanhukadzi

Zvichakadaro, mudzimai wemurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika gore rapera muna Kurume, VaItai Dzamara, Amai Shefra Dzamara, vatiwo madzimai anofanirwa kutorazuva ranhasi kushora mabasa akaipa anoitwa nehurumende yeZimbabwe.

Masangano akasiyasiyana akurudzirawo kuchengetedzwa kwevanhukadzi nekuvawanisa mikana yakaenzana kunyanya gore rino apo nyika yakatarisana nenzara sezvo madzimai ari iwo anomira- mira kuti mumba mudyiwe.

Sangano reUnited Nations rakatara gore ra2030 kuti nyika dzepasi rese dzinge dzave kupa mikana yakaenzana pakati pevanhurume nevanhukadzi.

Chirongwa chanhasi chapindwa nevamiriri venyika dzekunze pamwe nemasangano akazvimiria pahurongwa hwaitirwa pamuzinda we Australia muZimbabwe.

XS
SM
MD
LG