Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inonzi Inokwanisa Kupa Marezinesi eKutepfenyura Akawanda


Kunyange hazvo boka reBroadcasting Authority of Zimbabwe, BAZ, rakapa marezinesi ekutepfenyura kumakambani maviri chete, Zimbabwe inonzi ine hudzamu hwekupa marezinesi anodarika makumi matanhatu kune vanoda kutepfenyura munyika.
BAZ iri kupomerwa mhosva yekuita rusarura pakupa marezinesi aya.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekufambiswa pamwe nekuburitswa kwemashoko, VaSettlement Chikwinya veMDC-T vachimirira Mbidzo, neMuvhuro vakazivisa kuti kambani yakapiwa basa rekufambiswa kwemasaisai, yeTransmedia ine hudzamu hwekupa masaisai kune vanenge vapiwa marezinesi emarhedhiyo makumi matanhatu nemasere uye materevhizheni makumi mashanu neimwe, asi BAZ iri kunyima vanoda kutepfenyura marezinesi ichiti haikwanisi kushanda zvine mwero kuti ipe marezenisi aya.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reBAZ panyaya iyi.

Mutungamiri wehurumemende, VaMorgan Tsvangirai, vari kunetsanawo nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamusoro pegurukota rezvekuburitswa kwmashoko, VaWebster Shamu, avo vanonzi vakagadza bhodhi reBAZ vasingatevedzeri zvinodiwa nechibvumirano chakavaka hurumende yemubatanidzwa.

Kambani yeTransmedia inotiwo ine michina yekurendesa kune vanenge vachida kutepfenyura.

Makambani maviri chete anoti Zimpapers Talk Radio neAB Communications ndiwo akapiwa marezinesi ekutanga nhepfenyuro.

Pane kunyunyutawo kuti boka reBAZ rakaumbwa zvisiri pamutemo, izvo zviri kuita kuti vamwe vari pomere mhosva yekutora mativi munyaya dzezvematongerwo enyika.

Zimbabwe inonzi inogona kutadza kubata nguva yakatarwa neSADC yekuti inge yave kushandisa michina yedigital mumabasa erhedhiyo neterevhizheni.

Sachigaro weZimbabwe Association of Community Radio Stations, VaGift Mambipiri, vanotiwo nemaziviro avo, Zimbabwe inokwanisa kupa chero vanoda kutepfenyura mukana wekuita izvi, asi pane vane maonero akasiyana nevamwe, avo vavati havadi kubvumidza vamwe kupinda mumabasa ekutepfenyura.

XS
SM
MD
LG